Accessibility links

Breaking News

ZEC Inoti Sarudzo Dzema By-Election Dzafamba Zvakanaka, Asi Vanopikisa Vachiti Havasi Kufadzwa neMabatirwo eBasa neZEC


Mutungamiri webato reCitizens’ Coalition for Change, VaNelson Chamisa, vanoti havana kufadzwa nemabatirwo ebasa neZEC.
Mutungamiri webato reCitizens’ Coalition for Change, VaNelson Chamisa, vanoti havana kufadzwa nemabatirwo ebasa neZEC.

Zimbabwe Electoral Commission inoti (ZEC) sarudzo dzema by-elections dzaitwa munyika nhasi dzatanga zvakanaka uye kuenderera mberi murunyararo kunyange hazvo mamwe mapato asiri kufara nemafambisirwe ari kuitwa zvinhu musarudzo idzi.

Mutauriri weZEC, VaJasper Mangwana, vanoti sarudzo dziri kufamba zvakanaka uye dzatanga munguva yange yakatarisirwa munzvimbo zhinji dzaitwa sarudzo idzi munyika. VaMangwana vati nzvimbo dzanonoka kutanga dzichanonokawo kuvhara.

Asi vachitaura mushure mekuvhota paKuwadzana 2 Primary School muKuwadzana East muHarare, mutungamiriri weCitizens’ Coalition for Change, VaNelson Chamisa, vati ZEC haisi kufambisa sarudzo zvine mwero uye bato ravo harisi kufara nemapepa ekuvhotesa kana kuti ma Ballot paper pamwe ne ink zviri kushandiswa neZEC.

VaChamisa vatiwo vamwe vavhoti vari kushaya mazita avo pamwe nekuti vanhu vange vachinzi vanyorwe mazita avo pasi kunyange hazvo vanhu ava vakanyorwa mumagwaro evavhoti eZEC. Vatiwoo ZEC haisi kuita zvinhu zvakajeka.

VaChamisa vati nyaya yekubata vanhu chibharo panyaya dzesarudzo ndiyo yakaita kuti vanhu vaende kuhondo.

Vachitaurawo mushure mekuvhota paGwinyiro Primary School kuMufakose, munyori mukuru mubazi reMDC-T inotungamirirwa naVaDouglas Mownzora, iyo iri kukwikwidza musarudzo seMDC Alliance, Amai Paurina Mpariwa, vati zvinhu zvange zvichifamba zvanaka asi havana kufara kuti pane vemamwe mapato avasina kudoma vange vachimira vanhu panzvimbo dzekuvhotera vachiudza vanhu pekuvhotera.

Mushandi mukuru mubazi rekuburitswa kwemashoko muZanu PF, VaTafadzwa Mugwadi, vaudza Studio 7 kuti vafara kuti ZEC iri kuita basa rayo nemazvo asi vakati havana kufara kuti mamwe mapato akaita seCCC ange ari kuvhundutsira vashandi veZEC.

Vati izvi zvaitwa naVaDenford Ngadziore avo vari kumirira CCC musarudzo dzemakanzuru kuWard 16 muHarare. VaMugwadi vanoti izvi zvaitikawo kuMutasa Central, kuManicaland.

Asi VaNgadziore vanoti havangapete maoko vachibirirwa sarudzo.

Vari kumirira Zanu PF kuHighfield East, VaNorbert Chikumbo, vaudza Studio 7 kuti sarudzo dzafamba zvakanaka chose uye vanotarisira kukunda.

VaMangwana vati kunyange hazvo paita zvichemo, zvizhinji zvacho zvange zviri zvidikidiki uye zvange zvichagadziriswa kunzvimbo dzekuvhotera.

Vanhu vange vari kuvhota murunyararo uye panzvimbo zhinji dzekuvhotera pange paine vanhu vashomanana.

Kusvika panguva dza12 masikati vanhu zviuru zvitatu nemazana matatu nemakumi matatu nemumwe (3 331) vange vavhota mudunhu re Mufakose uye vanovhotesa vange vachitarisira kuti huwandu hwevavhoti huchakwira kumazuvarodoka.

Sarudzo idzi dziri kuita kutsvaga vanhu vachatsiva zvigaro makumi maviri nezvisere zvisina vanhu muparamende zveNational Assembly pamwe nezvigaro zana nemakumi maviri nechimwe zvisina vanhu mumakanzuru akasiyana siyana munyika.

Mapato gumi nematanhatu ari kupinda musarudzo idzi.

Nyaya ina Godwin Mangudya
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG