Accessibility links

Breaking News

Vagari vekuMaruwa eHurungwe Vonyunyuta neKukwira kweMari dzeMitero yeBudiriro yeNharaunda Dzavo


Mari dzemitero yebudiriro dzinoshandiswa mukuvaka nekugadziridza madhamhu, migwagwa nezvimwe zvakasiyanasiyana mumatunhu.
Mari dzemitero yebudiriro dzinoshandiswa mukuvaka nekugadziridza madhamhu, migwagwa nezvimwe zvakasiyanasiyana mumatunhu.

Vamwe vagari vekuHurungwe vanoti havasi kufara nekukwira kuri kuita mari dzavanobhadhariswa dzemitero yekusimudzira kumaruwa kana kuti development levy asi pasina budiriro iri kuitika munzvimbo dzavanogara.

Mutero uyu, wave kunzi development levy, unobhadharwa pagore nemunhu wese ave nemhuri kana kuti ave saimba. Hazvina kujeka kuti vanhu vanofanirwa kubhadhara marii yemutero uyu sezvo masabhuku enzvimbo achibhadharisa mari dzakasiyanasiyana.

Vamwe vevanhu vari kunyunyuta ava vave kusungirwa kubhadhara mutero wemadhora gumi emari yeku America pagore, iyo masadzimba aya ari kuti yawandisa sezvo vasiri kuona basa riri kuitwa nemari iyi.

Mari idzi, idzo dzinobhadharwa kumasabhuku, dzinofanirwa kushandiswa mumabasa ekuvandudzwa kwenzvimbo dzavagere.

Mumwe mugari wekwaKarengesha kuMagunje, VaRenious Kambarami, vanoti hakuna munhu anofarira kubhadhara mari pasina budiriro asi vanhu vave kumanikidzwa nemasabhuku avo .

Amai Sarudzai Kwenda, vemubhuku rekwaMudzimu kuHurungwe, vanoti vanobhadhara mutero wemadhora matatu ekuAmerica asi pasina budiriro yavari kuona.

VaLloyd Mapfumo mumwe wevamwe vanogara mudunhu rekuMagunje vanoti vari kubhadhara madhora mashanu ekuAmerica pagore. VaMapfumo vanotiwo havasi kupihwa magwaro anoratidza kuti vabhadhara mari kukanzuru.

VaMapfumo vanoti vamwe vagari vanenge vasina mari idzi vave kutobhadhara muripo wemabhagidhi maviri echibage izvo vanoti zvinopa kanzuru basa rekuzotengesa chibage ichi.

Asi Sabhuku Josiah Karengesha vekuHurungwe vanoti vabereki vanofanirwa kubhadhara madhora mashanu pagore iyo vabereki vakawanda vanga vachitadza kubhadhara.

VaKarengesha vanoti kuwedzerwa kwemari iyi kusvika pamadhora gumi ekuAmerica kurwadzisa vagari.

Sabhuku Karengesha vanoti pavanhu vanosvika makumi mana vari mubhuku ravo, gumi chete ndivo vakabhadhara.

VaKarengesha vanoti kusagadzirwa kwenzvimbo ndiko kunoita kuti vanhu vasabhadhare mari yemitero.

Izvi zvinotsigirwa naSabhuku Clemence Mudzimu, avo vanoti nguva yakare budiriro yaiwonekwa mumaruzevha zvayiita kuti vanhu vabhadhare mitero vakasununguka.

Sachigaro wekanzuru yekumaruwa eHurungwe, yeHurungwe Rural Council, VaLovejoy Kalavina varamba kutaura nezvenyaya yemitero vachiti vanoda kutanga vaziva mazita emasabhuku nevagari vari kuti hakuna budiriro munzvimbo dzavo.

Vanoona nezvemabasa ebudiriro mudunhu reMakonde, kana kuti district development coordinator, VaBenjamin Zivanai, vanoti munhu wese anosungirwa kubhadhara mari iyi kukanzuru kuti izoshandiswe mumabasa ebudiriro.

Patabvunza mudzviti kana kuti Provincial Administrator veMashonaland West VaJosphat Jani kuti sei masabhuku achibhadharisa mitero yemari dzakasiyanasiyana, vati havazive vachiti vachaita tsvakiridzo yazvo.

Semuripo wekuita basa rekubhadharisa vagary, masabhuku anowanazvikamu gumi kubva muzana pamari yaanenge aenda nayo kukanzuru.

Nzvimbo yasabhuku mumwechete yakakura kubva pamisha makumi mana kusvika pamisha zana.

Nyaya ina Nunurai Jena
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG