Accessibility links

Breaking News

Mamwe Mapato Oshushikana neKuvhurwa kweMabhokisi eMagwaro eKuvhotesa neVashandi veZEC Pamberi peSarudzo Dzema By-Election


Vashandi veZEC vari kupomerwa mhsova yekuvhura vega mabhokisi emapepa ekuvhotesa.
Vashandi veZEC vari kupomerwa mhsova yekuvhura vega mabhokisi emapepa ekuvhotesa.

Mamwe mapato ari kupinda musarudzo dzema by-election neMugovera ari kushushikana kuti mabhokisi ane magwaro evavhoti akavhurwa pasina vamiriri wavo kana kuti maAgent.

Mapato aya anotiwo kupihwa kuri kuitwa hupfu nemari kuvanhu nebato reZanu PF munzvimbo dziri kuitwa sarudzo zviri kuitika izvi kubirira sarudzo.

Nemusi weChina manheru vamwe vashandi veZimbabwe Electoral Commission (ZEC) vakabatwa vachivhura mabhokisi emagwaro evavhoti panzvimbo yekuvhotera yeMhizha Primary School mumusha weHighfields muHarare pasina vamiriri vemapato ari kupinda musarudzo idzi .

Kune dzimwe nzvimbo dzakaita seEpworth, Mutasa South, Kwekwe Central neTshabalala kuBulawayo, vanhu vanonzi vanga vachipiwa hupfu nemari nebato reZanu PF, izvo zvinonzi nevemapato anopikisa kutenga mavhoti.

Mutauriri webato Citizens Coalition for Change, Muzvare Fadzayi Mahere vaudza vatori venhau kuti bato ravo riri kuongorora zvakaitika kuHighfieds asi vakakurudzira kuti vanhu vabude nehuwandu hwavo kunovhotera shanduko.

Vakurudzirawo vaye vari kupihwa zvinhu zvakaita sehupfu nemari kuti vavhotere pavanoda vakasununguka.

Sachigaro veMDC-T inotungamirirwa naVaDouglas Mwonzora, VaMorgan Komichi, vaudza Studio 7 kuti zvinhu zviri kuitwa neZEC zvakashata vachiti zvinowedzera kuti vanhu vasavimba nayo zvakanyanya sezvo ichionekwa seinogaroita chitsotsi nguva dzese.

Hatina kukwanisa kunzwa divi reZanu PF panyaya iyi sezvo mushandi mukuru muboka rezvekuburitswa kwemashoko mubato iri, VaTafadzwa Mugwadi vange vasiri kudaira nharembozha yavo.

Kunze kwekuvhurwa kwemabhokisi emapepa ekuvhotesa nekupihwa mari nehupfu kwevanhu, mamwe mapato haasiwo kufarawo nenya yekuti ZEC yakadhinda magwaro evavhoti isingatevedze zvaidiwa nemapato uyewo mifananidzo yevamwe vari kukwikwidza musarudzo idzi haisi kuoneka.

Vakafanobata chinzvimbo chemutevedzeri wemunyori anoona nezvesarudzo muCCC, Amai Elllen Shiriyedenda , vaudza Studio 7 kuti chiso chemumiriri webato ravo kuMufakose, Amai Susan Matsunga, hachisi kuoneka pagwaro rekuvhotera.

Mutauriri webato reUnited United Alliance Zimbabwe, VaTatenda Ishemukuru Ndhlovu vaudza Studio 7 kuti vakwidza nyaya iyi kudare repamusoro sezvo chiso cheachamirira bato iri kuMbizo Amai Gladys Gamuchirai Mutunami chisiri kuoneka paBallot paper.

VaNdlovu vati vanoda kuti ZEC idhinde maballot paper ekuMbizo patsva.

Asi vati kana chikumbiro chavo chikasatambirwa nedare vanokurudzira vatsigirii vavo kuti vatsvage zita raAmai Mutunami paBallot paper sezvo chiso chisiri kuoneka.

Mutauriri weZEC, VaJasper Mangwana, vabvuma zvakaitika kuMhizha Primary vakati zvinobvumidzwa nemutemo uye veruzhinji havafaniri kuvhiringidza vashandi veZEC vanenge vachiita basa ravo.

VaMangwana vatiwo vanhu havafaniri kutya nekuti nzvimbo dzekuvhotera dzinovhurwa vanhu vese kusanganisira maAgents vatsanangurirwa kuti zvinhu zvinofamba sei.

Nyanzvi munyaya dzesarudzo vachishanda nesangano Election Resource Centre, VaSolomon Bobosibunu vaudza Studio 7 kuti zvinobvumidzwa pamutemo kuti vanotungamira sarudzo panzvimbo vavhure maballot boxes kuti vaone kuti zvavapihwa ndizvo here kana kuti kwete asi havabvumidzwe kushandisa kana kunyora nyora pama ballot papers aya.

Zimbabwe iri kuita sarudzo mangwana dzemaby-election dzekutsvaga vanhu vachatora zvigaro makumi maviri nezvisere zvisina vanhu muNational Assmbly nezvigaro zana nemakumi vaviri nechimwe mumakanzuru.

Nyaya ina Godwin Mangudya
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Zvichakadaro, bato reLEAD rinoti dare reHigh Court rarasa nyaya yarakanga rakwidza richida kuti dare rigadzirise nyunyuto yaro yekuti gwaro revavhoti rigadziriswe sarudzo dzisati dzasvika.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG