Accessibility links

Breaking News

Mutungamiri weNyika yeAmerica VaJoe Biden Voshanyira Poland muRwendo rweKugatsvaga Runyararo muUkraine


Mutungamiri weAmerica, VaJoe Biden vasangana nemauto enyika yavo ari muPoland.
Mutungamiri weAmerica, VaJoe Biden vasangana nemauto enyika yavo ari muPoland.

Mutungamiri wenyika yeAmerica VaJoe Biden, vashanyira Poland uko vataura nemauto enyika yavo ari kusnada pamwechete nemauto enyika iyi.

VaBiden vari kutarisirwawo kutarisirwa kutaura nevapoteri vakatiza hondo iri kuitika muUkraine vari muPoland.

Vasati vasimuka kuenda kuPoland VaBiden vakazivisa kuti vachange vachishanda nemubataninzwa weEuropean Union munyaya dzekuti pasi rose riwane mafuta kuitira kuti nyika yeRussia igwadame pasi nezvirango zvehupfumi zvayakatemerwa.

Muzvinafundo Elliot Masocha, vanove nyanzvi yezvematongerwo enyika, vanoti danho riri kutorwa naVaBiden rinogona kuita kuti Russia ifungisise pamusoro pehondo yayakatanga uye kuti ichiita nhaurirano dzemachokwadi dzekupedza hondo iyi.

"VaBiden vari kuyedza zvose zvavanokwanisa kuita kuti Russia igwadame pasi ipedze hondo yayakatanga muUkraine," VaMasocha vaudza Marvellous Mhlanga-Nyahuye weStudio7.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG