Accessibility links

Breaking News

Vanhu Votarisirwa Kubuda neHuwandu Kunovhota muSarudzo dzemaBy-Election neMugovera


Vanhu vari kutarisirwa kubuda nehuwandu hwavo kunovhota.
Vanhu vari kutarisirwa kubuda nehuwandu hwavo kunovhota.

Sangano reElections Resource Centre rinoti rinotarisira kuti sarudzo dziriko neMugovera dzichafamba zvakanaka zvichitevera gadziriro yanga ichiitwa neZimbabwe Electoral Commission yekunyoresa vachaongorora sarudzo pamwe nekupa dzidziso pamusoro pesarudzo.

Vanowona nezvekufambiswa kwemabasa musangano reElections Resource Center, VaSolomon Bobosibunu, vanoti sangano ravo rine tarisiro yekuti vanhu vachabuda nehuwandu hwavo kunovhota, asi vamwe vachatarisana nedambudziko rekushaya mazita avo mumagwaro evavhoti sezvo pasina kunyatsopihwa dzidziso dzekuti magwaro evavhoti esarudzo dzemakanzuru nedzeparamende aivharwa riinhi.

"Tiri kutarisira kuwona vanhu vachibuda nehuwandu hwavo asi tiri kushushikana kuti tiri kunzwa kuti pane mamwe mapato atotanga kutenge mavhoti kubva kuvanhu munzvimbo dzakasiyana siyana izvo zvisiri pamitemo yesarudzo," Va Bobosibunu vaudza Marvellous Mhlanga-Nyahuye weStudio7.

Zimbabwe Election Support network, iyo iri kushanda pamwe neERC musarudzo idzi, inoti ichange ichiisa vanoongorora sarudzo mazana mana mumatunhu makumimaviri vemasere.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG