Accessibility links

Breaking News

VaChamisa Vopeta Misangano Yekutsvaga Rutsigiro kuEpworth


VaNelson Chamisa
VaNelson Chamisa

Mutungamiri weCitizens Coalition for Change VaNelson Chamisa nhasi vaita musangano wavo wekupedzisira pamberi pesarudzo dzema by-elections dziri kuitwa neMugovera vachiti vari kutarisira kukunda musarudzo idzi pamwe nedzegore rinouya.

Vachitaura nevatsigiri vavo mumusha weEpworth uri kumahombekombe kweguta reHarare, VaChamisa vati vane tarisiro yekukunda musarudzo dzemusi weMugovera nesarudzo dzegore rinouya.

Vaenderera mberi vachiti vagari vemuEpworth vanofanira kupihwa magwaro anoratidza kuti ndivo varidzi vedzimba kwete hurumende inongotaura nyaya iyi kana pave kuitwa sarudzo pasina chiri kubuda.

VaChamisa vati havasi kuzoenda kumatare gore rinouya sezvakamboita muna 2018 pavanoti sarudzo dzakabirirwa vachiti hapana chiri kuzovamisa kupinda muhurumende.

Vakurudzirawo komisheni inoona nezvesarudzo yeZimbabwe Electoral Commission kuti iite basa rayo nemazvo vachiti kana sarudzo dzikabirirwa neMugovera vachatora matanho akasimba.

Vashorawo VaMnangagwa nekutyisidzira kudzinga masangano anoshanda akazvimirira vachiti masangano aya ane basa rakakura kwazvo rekupa vanhu chikafu pamwe nekurwira kodzero dzevanhu munyika. VaMnangagwa vakaudza vemapato aya pamusangano wavo kuChitungwiza kuti vasapindire munyaya dzezvematongerwo enyika.

VaChamisa vatiwo vane hurongwa hwekugadzirisa hupfumi hwenyika, nyaya dzekurima, mabasa, kuvhura mafekitori nezvimwe zvakadaro kuitira kuti veruzhinji vazvirume rurimi nekunakirwa nehupenyu.

Musangano waitwa naVaChamisa waitwa mushure mekunge vaenda kumatare zvichitevera kumborambidzwa kwakanga kwaitwa musangano uyu nemapurisa nezuro.

Matare abvumidza VaChamisa kuita musangano uyu, bato reZanu PF rabva ratanga kupa chikafu chinhambwe chidiki kubva paitirwa musangano uyu asi izvi hazvina kutadzisa vagari vemuEpworth kuenda kumusangano waVaChamisa.

Pasi pechikamu chechipiri chemutemo wesarudzo kana kuti paragraph 7 of the Fourth Schedule of the Electoral Act [Chapter 2:13]‚” kutsvaga rutsigiro musarudzo dzemaby elections kunopera na12 manheru ano.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:49 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG