Magweta ari kumirira mutungamiri webato reLabour, Economists and African Democrats, LEAD, Muzvare Linda Masarira, neChitatu akakwira kudare reHigh Court achida kuti dare rimanikidze Zimbabwe Electoral Commission, ZEC, kuti iburitse nekukasika gwaro revavhoti richashandiswa musarudzo idzi.
Muzvare Masarira, avo vari kukwikwidza musarudzo dzekutsvaga mumiriri weHarare Central mudare reparamende dziri kuitwa neMugovera, vari kudawo zvakare kuziva kuti mapepa ekuvhotesa achapiwa dunhu ravari kukwikwidza vari mangani.
Nyaya iyi inonzi ichanzwikwa neChishanu nenguva dza 11:30 mangwanani, uye ichange iri pamberi pemutongi Justice Munamato Mutevedzi.
Sachigaro veZEC, Amai Priscillah Chigumba vaudza studio 7 kuti nyaya dzakadai dzinotaurwa nemukuru wekomisheni yavo VaUtoile Silaigwana, avo tatumira mubvunzo asi vange vasati vapindura pataenda pamhepo.
Muzvare Masarira vanoti chikuru chakaita kuti vaende kudare ndechekuti zita ravo rakanga risiri kuwanikwa kunyange mugwaro revavhoti ra 2018, vachiti ravakazopiwa gore rino rakanga risina zita ravo zvakare, uye ravakazopiwa mushure mekudzokera zvakare kuZEC rakanga rakaita zvekunyorerwa gore nepenzura asi rakadhindwa kuti raive ra 2020.
Muzvare Masarira vanoti gwaro revavhoti ravakazopiwa raiguma pavanhu vakanyoresa kuvhota kusvika musi wa 08 Ndira asi iro gwaro revavhoti rakazovharwa musi wa 28 Ndira.
Facebook Forum