Accessibility links

Breaking News

Madzibaba veShanduko Votarisirwa Kumiswa paMberi peDare Muna Kubvumbi


Madzibaba VeShanduko mutsigiri weCCC
Madzibaba VeShanduko mutsigiri weCCC

Nhengo yeCitizens Coalition for Change, VaGodfrey Karembera, nhasi vabhadhariswa zviuru gumi zvemartgs kuti vatongwe vachibva kumba panyaya yavari pomerwa yekuti yavakazvidza mapurisa.

Vachipa mutongo wavo, mutongi wedare, Ama Barbra Mateko, vati VaKarembera avo vano zivikanwa nerekuti Madzibaba eShanduko,vanofanira kugara pakero yavakapa kumapurisa uye vanofanira kunomhan’ara kumapurisa kukamba yeGuruve Police Station kaviri pasvondo nemusi weMuvhuro nemusi weChishanu chega chega kudzamara nyaya yavo yapera.

Dare ratiwo VaKerembera havafaniri kuvhiringidza vafakazi panyaya yavo. Gweta ravo VaDoug Coltart vati kunyangwe hazvo chikumbiro chavo chekuti nyaya VaKarembera iraswe chisina kubudirira, vanofara kuti vabhadhariswa mari yechibatiso.

Mudzimai waVaKarembera, Amai Enia Musora, avo vange vari mudare nhasi vaudza Studio 7 kuti vanofara zvikuru nemutongo wapihwa nedare.

Vatiwo kunyangwe hazvo vakarohwa zvakanyanya vave nani. VaKarembera vakasungwa nemusi weChina svondo rapfuura vakarohwa zvakaipisisa vari mumaoko emapurisa vachipomerwa mhosva yekuzvidza mapurisa nekuvati imbwa, asi mamwe mapurisa akavaudza kuti vainge varoverwa nyaya yekupfeka zvipfeko zvebato ravo reCCC.

Asi VaKarembera vari kuramba nyaya iyi vachiti vakasungirwa zvisina maturo uye nezuro vakaisa chikumbiro kudare chekuti nyaya yavo iraswe sezvo vainge vagara muhusungwa kwenguva yakapfurikidzwa.

Dare harina kutambira chikumbiro uye ratambira zvakataurwa nevachuchusi zvekuti VaKarembera vanofanira kutongwa sezvo pane humbowo nevakafazi zvinogona kuvabatisa mhosva.

VaKarembera vachadzoka kudare musi 19 Kubvumbi apo pachatanga kutongwa nyaya yavo.

Zvichakadaro, Zimbabwe Electoral Commission yazivisa kuti gadziriro dzesarudzo dzemaBy-election dzichaitwa nemusi weMugovera dziri kufamba zvakanaka uye zvinhu zvichashandiswa musarudzo idzi zvatoendeswa kumatunhu ese munyika kuri kuitwa sarudzo idzi.

Zimbabwe iri kuita sarudzo dzezadzisa zvigaro makumi maviri nezvisere muNational Assembly nezvigaro zvinodarika zana mumakanzuru.

Facebook Forum

​
XS
SM
MD
LG