Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Oenderera Mberi Nekurambidza VaChamisa Kuita Misangano


Vatsigiri veCitizens Coalition for Change
Vatsigiri veCitizens Coalition for Change

Mapurisa anonzi arambidza bato reCitizens Coalition for Change kuenderera mberi nemusangano waro wekutsvaga rutsigiro kuEpworth mangwana panguva iyo dare redzimhosva raturawo mutongo wekuti mapurisa asavhiringidze musangano webato iri wanga uchiitirwa mumusha weTafara nhasi.

Mapurisa anonzi anyorera bato reCCC nhasi achiramba kuti musangano wanga uchida kuitwa kuEpworth mangwana nemutungamiri webato iri VaNelson Chamisa nevatsigiri vavo wekutsvaga rutsigiro pamberi pesarudzo dzema by-election dziri kuitwa neMugovera.

Tsamba yanyorwa nemapurisa iyi inouyawo panguva iyo mutongi wedare ramejasitiri, VaLanzini Ncube, vatura mutongo nhasi wekuti mapurisa asavhiringidze musangano webatoro reCCC kuTafara uyo wanga warambidzwa zvakare nemapurisa.

Tsamba yemapurisa yekurambidza musangano wekuEpworth iyo iri mumaoko eStudio 7 yanyorwa naChief Superintendent C. Muzivi inoti mapurisa mazhinji anoendeswa kunzvimbo dzichazovhoterwa neMugovera saka hapana mapurisa anozokwanisa kuchengetedza runyararo pamusangano weCCC uyu.

Mutauriri weCCC, Muzvare Fadzayi Mahere, bato ravo rinofanira kupihwa mukana wekutsvaga rutsigiro sezviri kungoitwawo bato reZanu PF iro rapeta misangano yaro yekutsvaga rutsigiro pamberi pesarudzo idzi nhasi vachiti zvekuvarambidza kuita misangano izvi zvinoita kuti sarudzo dzisafambe zvakanaka.

Muzvare Mahere vati bato ravo rave mubishi kutora matanho pamusoro pekurambidzwa kwaraitwa kuita musangano wekuEpworth uyu.

VaChamisa vakamborambidzwa nemapurisa kuita misangano nevatsigiri vavo kuMarondera, Gokwe, Binga, neMasvingo asi misangano iyi yakazoenderera kuBinga neMasvingo chete mushure mekunge bato reCCC raenda kumatare.

Muzvare Mahere vatiwo havasi kufara nedanho ratorwa nekomisheni inoona nezvesarudzo yeZimbabwe Electoral Commission rekubvumidza munhu mumwechete chete panenge pachivhoterwa anenge akamirira munhu anenge achikwikwidza musarudzo dzema by-election neMugovera.

ZEC yazivisa kuti kunyange pachibvumirwa kuti vari kuvhoterwa vave nevamiriri vanokwana vatatu, munhu mumwe chete ndiye chete anobvumira panenge pachivhoterwa panguva imwechete.

Muzvare Mahere vati danho ratorwa neZEC iri hariwirirane nezviri mubumbiro remitemo uye vati pane zvakawanda zvinofanira kuvandudzwa zvinobata nyaya dzesarudzo.

Zvisinei nekunyunyuta kuri kuitwa neCCC, mushandi mukuru anoona nezvekuburitswa kwemashoko muZanu PF, VaTafadzwa Mugwadi, vati bato ravo ragadzirira zvakakwana kupinda musarudzo dzemusi weMugovera.

VaMugwadi vatiwo bato ravo harinei nemafambisirwo anoitwa basa neZEC vachiti chavo kutaura neveruzhinji kuti vagovavhotera neMugovera. Vatiwo nyaya yekuti mapepa ekuvhotera haana ruvara rwunozivikanwa nevatsigiri haisi nyaya ine chekuita navo sebato vachiti ZEC isangano rinoshanda rakazvimirira.

Hatina kukwanisa kubata mutauriri weZEC, VaJasper Mangwana, avo vanga vasiri kudaira nharembozha yavo.

Asi komisheni padandemutande rayo reTwitter kuti mutemo hausungire komisheni yavo kushandisa ruvara rwunenge rwuchishandiswa nevanenge vachikwikwidza uye komisheni iyi yatiwo vachange vachimirira vari kukwikwidza musarudzo idzi kana kuti ma polling agent vanosungirwa kusvitsa nhuna dzavo kumukuru anenge achitungamira nyaya dzekuvhota panzvimbo dzinenge dzchivhoterwa uye kuti vaite zvinhu zvisingazoite kuti panenge pavhoterwa nemunhu musi wekuvhota uyu pasazivikanwe.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG