Accessibility links

Breaking News

Nhengo dzeCitizens Coalition for Change muAmerica Dzotungamira Munamato weRunyararo Panguva yeSarudzo Dzema By-Election


Mumwe wevari kuronga munamato wekunamatira runyararo munguva yesarudzo, Doctor Gadziro Gwekwerere

Nekuona kukwira kwezviitiko zvemhirizhonga yezvematongerwo enyika pamberi pesarudzo dzema by-election dziriko neMugovera uno, nhengo dzebato reCitizen’s Coalition for Change dziri mudunhu reNorth America dziri kubatana neChitatu manheru mukunamatira kuti sarudzo idzi dziitwe murunyararo, zvisina mhirizhonga.

Nhengo dzeCitizens’ Coalition for Change dziri kutungamira munamato uyu pasi pegungano rekunamata rinonzi “North America paMabvi,” uye dzinoti munamato uyu ndewe zvizvarwa zveZimbabwe zvese, zvisineyi nekuti ndezvebato ripi kana kuti zviri munyika ipi.

Nhengo yebato reCitizens Coalition for Change mudunhu reNorth America iri kubatsira mukuronga munamato uyu, Doctor Gadziro Gwekwerere, vanoti munamato uyu, uyo uchaitwa padandemutande, uri kuzadzisa zvakasungwa nemutungamiri webato ravo, VaNelson Chamisa, zvekuti zuva remusi weChitatu 23 Kurume rive zuva rekutsanya nekunamatira runyararo pamwe nekugadzikana kwezvinhu munyika panguva yesarudzo dzeMugovera idzi.

Doctor Gwekwerere, avo vari mudunhu reFlorida, vanoti hazvineyi kuti vari kutungamira munamato uyu vari kure nekumusha, vachiti munamato hauna muganhu kana kuti mutunhu murefu, Mwari vanonzwa zvekuti vanogona kugadzirisa matambudziko ari kuZimbabwe asi munamato waitirwa muAmerica.

HURUKURO NA DOCTOR GADZIRO GWEKWERERE
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:47 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG