Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Kurume 23,2022


Shona Headlines
Shona Headlines

Mutungamiri wenyika nebato reZanu-PF VaEmmerson Mnangagwa voita musangano wavo wekupedzisira kuChitungwiza wapindwawo nemwana wevaive mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe, Robert Mugabe Junior.

Bato reCCC rorambidzwa kuita musangano waro wekugumisira nemapurisa ukuwo vanopikisa vachiti havasi kufara nekubatwa kuri kuitwa sarudzo neZimbabwe Electoral Commission.

Dare ropa Madzibaba veShanduko veCitizens Coalition for Change mukana wekubvisa mari yechibatiso kuti vatongwe vachibva kumba.

Muchikamu chedu chatinotarisa zviri kuitwa nevana veZimbabwe vari kunze kwenyika, nhasi tiri kutarisa zviri kuitwa nenhengo dzebato reCitizens’ Coalition for Change dziri mudunhu reNorth America dziri pasi pegungano re “North America paMabvi” idzo dziri kutungamira munamato nhasi manheru wekuti sarudzo dzema by-election dziri kuitwa munyika neMugovera dziitwe murunyararo.

Muchirongwa cheDiaspora Forum chatinotaura nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika, tiri kutarisa nyaya yesarudzo dzemaby-elections, mhirizhonga yange ichiitika kuSouth Africa kuri kumborwiswa zvizvarwa zveZimbabwe uye hondo yekuUkraine.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG