Accessibility links

Breaking News

Madzibaba veShanduko Voudza Dare Kuti Vakarohwa Zvakaipisisa Vari Mumaoko eMapurisa


Nhengo yeCitizens' Coalition for Change Va Godfrey "Madzibaba veShanduko" Karembera avari kuParirenyatwa Hospital nemutungamiri webato ravo VaNelson Chamisa.
Nhengo yeCitizens' Coalition for Change Va Godfrey "Madzibaba veShanduko" Karembera avari kuParirenyatwa Hospital nemutungamiri webato ravo VaNelson Chamisa.

Dare ramajistireti richapa mutongo waro neChitatu pachikumbiro chenhengo yebato reCitizens Coalition for Change, VaGodfrey Karembera vanozivikanwa nerekuti Madzibaba veShanduko, chekuti mhosva yavari kupomerwa yekuzvidza mapurisa iraswe sezvo vakagara muhusungwa kwenguva yakapfurikidza zvinodiwa pamutemo.

Dare richapawo mutongo waro pachikumbiro chavo chechipiri chekuti vatongwe vachibva kumba kana chikumbiro chavo chekutanga chikarambwa nedare.

Gweta raVaKarembera avo vanozivikanwa nerekuti Madzibaba veShanduko, VaDoug Coltart vaudza dare kuti VaKarembera vakasungirwa nyaya isina maturo, uye vakarohwa zvakaipisisa nemapurisa pasina chikonzero.

VaKarembera vakasungwa mukati meguta reHarare nemusi weChina chapfuura vakarohwa zvakaipisisia nemapurisa anonzi aisanganisira Constable Manyeruke.

VaColtart vaudza dare kuti mapurisa akaudza VaKarembera kuti vaivarovera kuti vainge vakapfeka zvipfeko zvinoenderana nebato ravo reCCC.

Vatiwo kunze kwekuvarova kumusana, muhuro nepasi petsoka, mapurisa akanonoka kuvaendesa kuchipara.

Chiremba akatanga kuona VaKarembera, Dr Jonathan Fernandez, vanotiwo vakaona VaKarembera vakakuvara zvikuru kuHarare Central Police Station.

VaColtart vanoti pamusoro pazvose izvi, mapurisa akagarisa VaKarembera muhusungwa kwenguva yakapfurikidza.

Vaudza dare kuti VaKarembera vakasungwa panguva dzekuma 8.30 mangwanani emusi weChina asi vakazoendeswa kudare nemusi Mugovera kuma2 masikati, padarika maawa mana enguva yavaifanira kuenda kudare.

Musi weMugover dare rakagara muchipatara kuParinyatwa Hospital sezvo VaKarembera vasinga kwanise kubuda muchipatara.

VaColtart vati nekuda kwaizvozvo ,mhosva yaVaKerembera inofanira kuraswa.

VaColart vatiwo VaKarembera havabvumirane nemashoko emutauriri wemapurisa, VaPaul Nyathi, ekuti vakasungwa vachida kuparadza chiumbwa chaMbuya Nehanda.

VaKarembera pachavo vanoti vaive mamita anodarika mazana matatu kubva pachiumbwa ichi.

Pane chimwe chikumbiro chavo kudare, VaColtart, vatiwo kana chikumbiro chavo chekutanga chikasatambnirwa nedare, vanoda kuti VaKarembera vapihwe mukana wekubhara mari yechibatiso kuti vatongwe vachibva kumba,

Vati VaKarembera munhu ane mhuri uye ane pekugara zvekuti haasi munhu wekutyira kuti angatiza nyaya yake isati yatongwa.

Asi vachuchusi panyaya iyi, vari kupikisa zvikumbiro zvese zvaVaKarembera vachiti vane humbowo hwakasimba hunokwanisa kuti VaKarembera vabatwe nemhosva.

Vanotiwo vane vafakazi vashanu panyaya iyi. Vanotiwo VaKarembera havafaniri kutongwa vachibva kumba nekuti vanogona kuramba vachipara mhosva yakaita seiyi sezvo nyika yakatarisana nesarudzo dzemaBy-Election.

VaKarembera havana kukwanisa kunge vari mudare nhasi sezvo vari kurapwa kuchipatara.

Mapurisa akarova VaKarembera akasungwa asi hatina kunzwa kuti nyaya yavo yavepapi sezvo mutauriri wemapurisa VaNyathi vati vange vasiri muhofisi.

Asi mutauriri weCrisis in Zimbabwe Coalition , VaObert Masaraure vaudza Studio 7 kuti mapurisa aya anofanira kumiswa pamberi pedare kana chiri chokwadi kuti akasungwa.

Zvichakadaro apo kwasara mazuva mashoma kuti sarudzo dziitwe, mapato maviri makuru eZanu PF neCCC ari kuita misangano yekupeta kutsvaga rutsigiro mangwana nemusi weChina.

Mutungamiriri weZanu PF VaEmmerson Mnangagwa vachange vari kuChitungwiza uye mutungamiriri we weCCC VaNelson Chamisa vachaita musangano wavo wekupedzesera kuEpworth.

Nemusi weMugovera vanhu vachaenda kuno vhotera vanhu vachatora zvigaro makumi maviri nezvisere muNational Assembly nezvigaro zvinodarika zana mumakunzuru.

Facebook Forum

‚Äč
XS
SM
MD
LG