Accessibility links

Breaking News

ZIMRIGHTS Yoshora Kutyorwa Kwainoti Kwoitwa Kodzero Dzevanhu neMapurisa


Mutungamiri wesangano reZimbabwe Human Rights Association (Zimrights) VaDzikamai Bere vanoti sangano ravo harisi kufara nekutyorwa kwarinoti kuri kuitwa kodzero dzevanhu nemapurisa nemamwe mapato panguva yekutsvaga rutsigiro rwesarudzo dzemaby elections.

Vatiwo kusabuda pachena kunoitwa neZimbabwe Electoral Commission kuchapawo kuti vamwe vanhu vatadze kuvhota vashaya mazita avo pagwaro revavhoti.

Asi mapurisa neveZEC vari kugara vachiti vari kuita basa ravo nemazvo vasina divi ravakarerekera vachiti mamwe mapato ndivo ari kusvibisa mazita avo.

"Tiri kuwona zvakawanda mumamana atiri kufamba tichipa dzidziso yekuvhota, asi zviri kunyanya kuti shungurudza kutyorwa kwekodzero dzevanhu nemapurisa zvetakakaona zvichiitwa kuna Godfrey Karembera uyo ari muchipatara parizvino,"VaBere vaudza Studio7.

Sarudzo dzemaby elections munyika dziri kutarisirwa kuitwa musi weMugovera.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG