Mubatanidzwa wemamwe masangano anomirira vashandi vehurumende, weZimbabwe Confederation of Public Sector Trade Unions, (ZCPSTU), unoti kutanga svondo rapera vashandi vehurumende vakatanga kuwana mari itsva dzavakawedzerwa nadzo mihoro yavo nehurumende.
Mwedzi wapera hurumende yakavimbisa kuwedzera vashandi vayo vose mihoro yavo nezvikamu makumi maviri kubva muzana, kana kuti 20 percent, zvichidzoswa kumwedzi waNdira gore rino.
Hurumende yakavimbisawo zvakare kupa vashandi vayo mari yekubatsirikana inoita zana remadhora emari yekuAmerica (US$100.00) pamusoro pemadhora makumi manomwe nemashanu (US$75.00) avanga vachipiwa semari yekubatsirika munguva yeCovid-19.
Mutevedzeri wemunyori mukuru weZCPSTU, VaGibson Mushangu vanoti mapurisa, mauto, varairidzi pamwe nevamwe vashandi vanopfeka yunifomu vakawana mari itsva idzi svondo rapera.
Mamwe masangano evashandi vehurumende akanga achiramba kutambira mari idzi achiti ishoma uye dzakanga dzaiswa pasina kuwirirana nevamiriri vevashandi.
Masangano aya anoti ari kuda kuti mihoro yevashandi vehurumende idzoserwe pamihoro yavaitambira muna Gumiguru 2018.
Asi VaMushangu vanoti nhaurirano dzemihoro nehurumende dzichiri kuenderera mberi, vachiti kutambirwa kwemari itsva idzi hakurevi kuti nhaurirano dzemihoro inogutsa dzave kuzomiswa.
Facebook Forum