Accessibility links

Breaking News

ZACC Yoongorora Gurukota rezveMatunhu VaJuly Moyo paMhosva yeHuori Yavari Kupomerwa naVaMliswa


Gurukota rezvematunhu VaJuly Moyo
Gurukota rezvematunhu VaJuly Moyo

Komisheni inoona nezvekurwisa huori munyikz yeZimbabwe Anti-Corruption Commission kana kuti ZACC inoti yatanga kuongorora gwaro rayakapihwa nemumiri weNorton mudare reparamende VaTemba Mliswa avo vari kupomera gurukota rezvematunhu VaJuly Moyo, mhosva dzehouri papombi dzemvura muHarare.

VaMliswa vaudza Studio 7 kuti kunyangwe hurumende yekuNetherlands kuburikidza nemuzinda wayo muZimbabwe yakapa dhorobha reHarare pombi dzemvura pachena, VaMoyo vakaenda kudare remakurukota vakatora mari inosvika mamiriyoni gumi-US$10 million vachiti vaida kutenga pombi.

VaMliswa vanotiwo pombi idzi dzinoita mamiriyoni maviri emadhora chete US$2 million. Vatiwo vaishanda naVaMoyo vakangoenda kunogadzirisa dzimwe pombi dzainge dzafa ndokuita sekunge vainge vatenga itsva.

Mutauriri weZACC VaJohn Makamure vaudza Studio 7 kuti vakatambira gwaro raVaMliswa uye vave kuita ongororo yavo vasati vatora danho rekuti voendesa nyaya iyi kumuchuchusi mukuru wehurumende here kana kuti kwete.

VaMliswa vanoti humbowo hwekuti pane huori hwakaitwa huripo asi dzimwe nguva ZACC haina zvainozoita.

Asi VaMliswa vati havasi kufara nehofisi yemuchuchusi. VaMliswa vaendererawo mberi vakati pane vekunze vakapa mari isina kufambiswa zvakanaka.

Asi vachipindura, meya weHarare VaStewart Mutizwa varamba kuti pane hupori hwakaitwa naVaMoyo.

VaMtizwa vati kanzuru ndiyo yakakumbira kuti pombi dzitengwe. Hatina kukwanisa kubata VaMoyo kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi sezvo nharembozha dzavo dzange dzisiri kudairwa.

Studio 7 hainawo kukwanisa kutaura nemumiriri weNetherlands muZimbabwe Amai Margaret Verwijk sezvo nhare yavo yange isiri kudairwa.

Nyaya Ina Blessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:43 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG