Accessibility links

Breaking News

Amai Jackson Votarisirwa Kuva Mudzimai Mutema weKutanga Kuva Mutongi weDare rePamusoro Soro muAmerica


Mutongi Jij Ketanji Brown Jackson

Komiti yedare reparamende muAmerica inoona nezvemitemo yatanga nhasi kubvunzurudza Amai Ketanji Brown Jackson kuti vakakodzera here kuti vave mutongi wedare repamusoro soro reSupreme Court.

Vachitaura pamberi pekomiti iyi, Amai Jackson vavimbisa kuti vachatevedzera bumbiro remutemo pakupa mitongo yavo. Sachigaro wekomiti yezvemitemo iyi VaDick Durbin vati kusarudzwa kwavo kwakakosha zvikuru munhoroondo yeAmerica.

Vakatambirwa ndivo vanenge vari mudzimai mutema wekutanga kuva mutongo wedare iri munhoroondo yeAmerica.

Sangano remagweta reAmerican Bar Association rakatovatambira nemusi weChishanu pasina kupokana rikati vakakodzera kuva mutongi wedare reSupreme Court.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG