Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro, Kurume, 21, 2022


Shona Headlines
Shona Headlines

Zimbabwe Anti-Corruption Commission inoti yatanga kuferefeta nyaya yayakapirwa nemumiriri weNorton mudare reparamende VaThemba Mliswa yekupomera gurukota rezvematunhu VaJuly Moyo mhosva yekuita huori panyaya yepombi dzemvura muHarare.

Mukuru anoona nezvekudzivirirwa kwechirwere cheCovid-19 munyika Dr Agnes Mahomva vanoti kamhando katsva keCovid-19 keomicron stealth kakawanikwa munyika.

Mapurisa ekuMarondera anoti atanga kuunganidza humwe humbowo pamurume akasungwa nezuro VaBright Zhantal vari kupomerwa mhosva dzekuponda nekubata chibharo madzimai.

Mutsigiri weCitizens Coalition for Change VaGodfrey Karembera vanozivikanwa nekuti Madzibaba veShanduki votarisirwa kumiswa pamberi pedare nhasi.

Mutungamiri wechimwe chikwata cheMDC-T Dr Thokozane Khupe vari kukurudzira vatsigiri vavo kuti vavhotere bato reCitizens Coalition rinotungamirwa naVaNelson Chamisa.

Muchirongwa cheLivetalk, nhasi na8pm tiri kuita hurukuro nezvesarudzo dzemaby elections, kuparurwa kwechirongwa chekuti vanhu vakawanda vabayiwe nhomba yeCovid-19 uye hondo yekuUkraine.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG