Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yotanga Nhasi Chirongwa Chekubaya Vanhu Nhomba yeCovid-19 Munzvimbo Dzakawanda


Vari kupika kuHarare Central Prison vachibayiwa nhomba yeCovid-19
Vari kupika kuHarare Central Prison vachibayiwa nhomba yeCovid-19

Bazi rezvehutani rinoti kutanga nhasi riri kuparura hurongwa hwekuenda kunzvimbo dzakawanda nechinangwa chekukurudzira vanhu vakawanda munyika kuti vabayiwe nhomba yeCovid-19.

Kusvika parizvino vanhu vabayiwa nhomba mbiri dzeCovid-19 vave mamiriyoni matatu anezviuru mazana mana nemakumi mana nemazana masere nemakumi mana nevana kana kuti 3 440 844.

Chinangwa chehurumende chaive chekuti inge yabaya vanhu mamiriyoni gumi kana kuti zvikamu makumi matanhatu kubva panosvika mwedzi waZvita gore rapera asi haina kubudirira.

Mukuru anoona nezvezkurwisa denda reCovid-19 munyika Dr Agnes Mahomva vauddz Studio 7 kuti nhomba dzinenge dzichibayiwa kumakirinika akawanda uye muzvikoro.

Vachipawo pfungwa dzavo, mukuru wesangano rinorwira kodzero dzevanhu munyaa dzezvehutano reCommunity Working Group on Health vaItai Rusike vakutudzira hurumende kuti iuye nedzimwe nzira dzitsva dzekukurudzira vanhu kuti vabayiwe nhomba yeCovid-19. Vati panodawo dzidziso.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG