Rimwe bato riri kukwikwidza musarudzo dzema by-election, reUnited Zimbabwe Alliance, rinoti vechidiki veZanu PF vavhiringidza musangano waro waranga rakaronga kuita munhandare yeChemhanza mumusha weTafara muHarare wekutsvagira rutsigiro nhengo iri kukwikwidza muHarare East, VaGarikai Mlambo.
Sachigaro wevechidiki mubato iri, VaShingirai Mikhail Chabata, vanoti vakanga vakapiwa mvumo nemapurisa yekuita musangano wavo uyu, uye vakatonobhadhara mari dzaidiwa kukanzuru, asi vazoshamiswa kuona vechidiki veZanu PF vachitamba nhabvu munhandare iyi nhasi uye vachiramba kubuda.
VaChabata vanoti vamboedza kudaidza mapurisa kuti avabatsire kubvisa vanhu ava asi mapurisa avaudza kuti vanokwanisa kubviswa chete nevaridzi venhandare vanove vekanzuru.
Vanoti vazobatawo vekanzuru asi vavavimbisa kuti vachadzoka kwavari, izvo vanoti hazvina kuzoitika.
VaChabata vanoti vazongoenderera mberi nekuita musangano wavo parutivi penhandare iyi, vachiti musangano wavo wazopindwa nevanhu vashoma sezvo vanhu vanga vachivhundutsirwa.
Asi mukuru anoona nezvekufambiswa kwemashoko muZanu PF, VaTafadzwa Mugwadi varamba kuti nhengo dzavo dzine chekuita nechiitiko ichi, vachiti vari kungozorwa mafuta enguruve yavasina kudya.
VaMugwadi vati havatombozivi kuti muZimbabwe mune bato rakadarovachidi havadi vanhu vanotsvaga mbiri nemusangano weZanu PF.
Facebook Forum