Accessibility links

Breaking News

Mutungamiri weCCC, VaChamisa, Vanoti Havasi Kuzoshandisa Huwandu Hwavo muKuita zveMhirizhonga


Nhengo dzebato reCitizens' Coalition for Change
Nhengo dzebato reCitizens' Coalition for Change

Mutungamiri webato rinopikisa reCitizen’s Coalition for Change, VaNelson Chamisa, vati bato ravo rizere nerudo uye havasi kuzoshandisa zvisizvo huwandu hwavo mukuita zvemhirizhonga.

Vachitaura kumusangano wekutsvagira nhengo dzavo rutsigiro pamberi pesarudzo dzema by-election dziriko Mugovera unouya waitirwa muSakubva kwaMutare, VaChamisa vati munyika maita dambudziko rimwe chete rekuti hurumende ndiyo iri kudyara ruvengo, ndiyo iri kudyara kupokana, ndiyo iri kudyara mhirizhonga uye ndiyo iri kudyara kusawirirana kwenyika yose.

VaChamisa vashoropodza mhirizhonga iri kuitwa kunhengo dzavo vachipa muenzaniso wekushungurudzwa kwakaitwa nhengo yebato ravo, VaGodfrey "madzibaba veShanduko" Karembera, avo vari muchipatara cheParirenyatwa mushure mekurohwa zvakaipisisa vari mumaoko emapurisa.

Mutungamiri webato rinopikisa iri vatiwo vakashushikana zvikuru kuti nhepfenyuro yeZBC nemamwe mapoka ehurumende vakawana simba rekutaura manyepo vachiti chakakonzera kuuraya kwemarudzi muRwanda kwakabva mumashoko aiburitswa nepoka ehurumende.

VaChamisa vayambirawo nhepfenyuro yeZBC kuti ichenjerere kukanganisa nyika ichiunza gakava neruvengu. Mutungamiri weCCC vatiwo kunyange paine vamwe vari kuti havapinde, ivo vanoti vachapinda vachipinzwa nevanhu.

Studio 7 haina kuwanisa kunzwa divi rehurumende kanawo nhepfenyuro yeZBC panyaya iyi.

VaChamisa vakurudzira nhengo dzebato kuti dzibude nehuwandu hwadzo hwese kunovhota musi wesarudzo, vachiti kana vachimbokwanisa kumira mumitsetse yezvimwe zvose izvi, vanokwanisa zvakare kumira mumitsetse yekuvhota.

VaChamisa vari kutarisirwa kunge vari kumumwe musangano webato ravo kuMasvingo neSvondo mushure mekunge dare reHigh Court rarasa danho remapurisa rekurambidza bato iri kuti riite musangano waro kmudunhu iri achiti kunenge kuine mumwe musangano weZanu PF.

Mutevedzeri wemutauriri webato reCCC, VaOstalos Gift Siziba vanoti vanotenda vatsigiri vavo vekwaMutare vabuda nehuwandu hwavo, vachiti musangano wavo ndewevanhu.

Hurukuro naVaOstalos Gift Siziba
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG