Zvizvarwa zveZimbabwe nezvekune dzimwe nyika zviri muSouth Africa zvinoti zviri kugara zvakabatira ura mumaoko zvichitevera kuwedzera kwezviitiko zvekurwiswa kwevabvakure nezvizvarwa zveSouth Africa munzvimbo dzakapoteredza Cape Town nemusi weChina.
Chimwe chizvarwa cheZimbabwe, VaTinashe Mlambo, avo vanoshanda papurazi remizambiringa riri kuRobertson muWestern Cape, vanoti munzvimbo yavari kugara maberekera ingwe sezvo vanhu verudzi rwechiSutu vanogara munzvimbo iyi vari kurwisa vabvakure nenyaya dzemabasa .
Vanoti vari kubirwawo zvakare nhumbi nezvishandwa zvavo zvese pavanenge vatiza mhirizhonga iyi.
VaMlambo vanoti mapurisa emunzvimbo iyi haasi kubatsira mukudzivirira mhirizhonga iyi vachiti ari kuti ndeye vabvakure voga voga vasiri zvizvarwa zvemunyika iyi vari kurwisana.
Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi remapurisa emunzvimbo iyi.
Asi VaMlambo vanoti madzimai nevana vadiki vatizira kukamba yemapurisa sezvo kwange kuchikandwa matombo akuvadza zvizvarwa zvezimbabwe zvine chitsama, vachiti vange vachitotaura nesu vari mugomo mushure mekutiza mhirizhonga iyi.
Zvizvarwa zvekunze kweSouth Africa zviri munyika iyi zvinonzi zviri kutarisirwa kufora mumigwagwa neMuvhuro muCape Town, Free State ne Johannesburg zvichiratidzira kusafara kwazvo nekukwira kwezviitiko zvekurwiswa uku.
"Ndatotiza kumba kwangu. Pari zvino ndiri mugomo uye zvishandwa zvedu zvese zvakabiwa nezuro manheru tichiudzwa kuti hatichadiwa muno munyika yeSouth Africa," VaMlambo vaudza Marvellous Mhlanga-Nyahuye weStudio7.
Facebook Forum