Accessibility links

Breaking News

Mutungamiri weAmerica, VaBiden, neMutungamiri weChina VaXi, Vanoita Nhaurirano Pamusoro peHondo yeRussia neUkraine


Mutungamiri weAmerica VaJoe Biden nemutungamiri weChina VaXi Jinping vaita musangano weparunhare vachizeya hondo yeRussia neUkraine.
Mutungamiri weAmerica VaJoe Biden nemutungamiri weChina VaXi Jinping vaita musangano weparunhare vachizeya hondo yeRussia neUkraine.

Mutungamiri weAmerica, VaJoe Biden vataura nemutungamiri weChina VaXi Jinping neChishanu, zuva rimwe chete mumwe mumiriri mukuru muhurumende yavo azivisa kuti Washington ine chokwadi chekuti Beijing iri kuda kubatsira mune zvechiuto kupinda kweRussia muUkraine.

Mashoko abva kuWhite House anoti musangano pakati pevatungamiri vaviri ava, uyo waitwa parunhare uye unowe wekutanga pakati pevaviri ava kubva pakapinda Russia muUkraine, watora maawa maviri.

Nemusi weChina gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika muAmerica VaAntony Blinken vakatsinhira mashoko eanhau akabuda kutanga kwesvondo rino ekuti China ingangopindira kunobatsira Russia.

“Tiri kushushikana nekuti vari kuronga kubatsira Russia nezvikwanisiro zvechiuto zvekushandisa muUkraine,” vakadaro VaBlinken vachiudza vatori venhau.

Havana kupa humbowo hwezvipomerwa izvi, izvo Moscow neBeijing vakaramba.

Vachitsinhira zvakataurwa nevamwe vakuru-vakuru, VaBlinken vakayambira Beijing kuti inotarisana nedambudziko gukutu kana yakabatsira hondo yaVaPutin kunyange vasina kujekesa kuti zvii zvinozoitika.

Zvichakadaro, mashoko aburitswa neBeijing pamusoro pehurukuro yevatungamiri vaviri ava anoti VaXi vavimbisa VaBiden kuti nyika yavo haina chido chekupindira muhondo iri muUkraine.

“Mutungamiri VaXi vaburitsa pachena kuti China haidi kuona zvinhu zvichisvika pazviri muUkraine,” gwaro raburitswa razivisa kudaro. “Mativi ose anofanirwa kutsigira Russia neUkraine kuti dziite nhaurirano.”

Bejing yakamboti mashoko ekuti iri kutsigira Moscow akanangana nekuda kunzvenga chokwadi.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG