Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inoti Pane Mapurisa Asungwa neMhosva yeKurova Zvakaipisisa Nhengo yeCCC iri muHusungwa


Nhengo yebato reCitizens' Coalition for Change VaGodfrey "Madzibaba veShanduko" Kanembera vari kuchipatara cheParirenyatwa uko vashanyirwa nemutungamiri webato ravo VaNelson Chamisa.

Bazi rezvekuburitswa kwemashoko razivisa nhasi kuti pane mapurisa asungwa nenyaya yekushungurudzwa pamwe nekutochwa zvakaipisisa kwenhengo yebato reCitizens’ Coalition for Change, VaGodfrey Chidhau Karembera, avo vanozivikanwa saMadzibaba veShanduko, vari mumaoko emapurisa.

Bazi iri razivisa nezvekusungwa kwemapurisa uku kuburikidza nemashoko aiswa padandemutande reTwitter, kunyange hazvo risina kutaura kuti mapurisa mangani asungwa uye risina kuburitsa mazita avo, uye rati richazivisa ruzhinji zvimwe zvinenge zvawanikwa mukuferefetwa kuri kuitwa.

VaKarembera vakaudza Studio 7 manheru eChina kuti vakasungwa vachitozvifambira zvavo muHarare, vachibva vakandwa mumotokari yaive isina nhamba ndokuendeswa kukamba yemapurisa yeHarare Central Police Station, uko vakasvikooneswa chitsvuku vachirohwa nekushungurudzwa.

Vakati mapurisa aivarova pasi petsoka nekumusana vakatsikwa mutsipa vachinzi mushure mekurohwa uku vakanga vasingazofi zvakare vakapfeka gemenzi ravo reruvara rwe yellow, rwunove ruvara rwebato reCitizens' Coalition for Change.

Mapurisa akazivisa kuti VaKarembera vaipomerwa mhosva yekutsvaga rutsigiro mukati meguta zviri kunze kwemutemo uye kutuka mapurisa.

Asi neChishanu mutauriri wemapurisa Assistant Commissioner Paul Nyathi, vaudza bepanhau reHerald kuti VaKarembera vakasungwa mushure mekunge vawanikwa vachida kukanganisa chiumbwa chaMbuya Nehanda chiri muHarare, icho vanoti chakachengetedzwa.

Asi gweta ravo, VaDouglas Colart, vaudza Studio 7 kuti vanga vasati vaziviswa nezvemhosva itsva iyi uye vari kutoshamiswa kunzwa mashoko aya.

VaColtart vatiwo vanga vasati vaudzwa kuti VaKarembera vachaendeswa kudare redzimhosva here kana kuti kwete uye riinhi?

Mutungamiri weCitizens’ Coalition for Change, VaNelson Chamisa, vanonzi shanyira 'Madzibaba veShanduko' kuchipatara cheParirenyatwa uko kwavari kurapwa vakachengetedzwa nemapurisa.

Mutevedzeri wemutauriri weCCC, VaOstalos Gift Siziba, vanoti VaChamisa vatora danho iri sezvo tsika dzebato ravo reveruzhinji reCitizens Coalition for Change dzichiti vanokoshesa nyaya yekubatana nevanhu vavo.

Vanotiwo VaChamisa vataura mashoko akanangana nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa ekuti vanosungirwa nebumbiro remitemo kuti munyika muve nekugadzikana nerunyararo, uye kuti vamise mhirizhonga yezvematongerwo enyika.

Hurukuro naVaOstalos Gift Siziba
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG