Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi Kurume 18, 2022


Misoro yeNhau
Misoro yeNhau

Mutungamiri weCitizens Coalition for Change, VaNelson Chamisa, vanoshanyira nhengo yebato ravo VaGodfrey Chidhau Karembera, avo vari muchipatara mushure mekurohwa zvakaipisisa nemapurisa nezuro.

Bato reCitizens Coalition for Change rinoenda kudare reHigh Court mushure mekunge mapurisa mudunhu reMasvingo arirambidza kuita musangano waro mukuru wekutsvaga rutsigiro pamberi pesarudzo dzema by-election dziriko svondo rinouya, uyo wanga uchifanirwa kutungamirwa nemutungamiri webato iri VaNelson Chamisa.

Mutungamiri weAmerica, VaJoe Biden, votarisirwa kuita musangano weparunhare nemutungamiri weChina, VaXi Jingpin, pamusoro pehondo yeRussia neUkraine.

Zvizvarwa zveZimbabwe nezvekune dzimwe nyika zviri muSouth Africa zvogara zvakabatira hura mumaoko zvichitevera kuwedzera kwezviitiko zvekurwiswa kwevabvakure nezvizvarwa zvenyika iyi munzvimbo dzakapoteredza Cape Town nezuro

Vamwe vagari veku Tyrone kuMhondoro-Ngezi mudunhu reMashonaland West vakatorerwa nzvimbo yemafuro emombe dzavo ichipihwa kambani yekupfuya mombe vanoti hapana pundutso yavari kuwana sezvavainge vakavimbiswa.

Vatsigiri venhabvu munyika votarisana nemachikichori emitambo mukupera kwesvondo rino zvichitevera kuburitswa kwemitambo iriko kutanga mangwana nesangano Premier Soccer League kusanganisira uri kunhandare ye National Sports Stadium neSvondo, uko Caps United iri kubandana neHighlanders.

Muchirongwa chedu che LiveTalk na8:00pm, nhasi tiri kutaura nezvesarudzo dzema by-election dziri kuitwa svondo rinouya neMugovera, kusungwa nekutochwa kwenhengo yeCitizens’ Coaltion for Change VaGodfrey Chidhau Karemebra, uye zviri kuitika kuUkraine.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175 ne7255 Short Wave.

Facebook Forum

​
XS
SM
MD
LG