Accessibility links

Breaking News

VaBiden Vowedzera Rutsigiro Rwavari Kupa Ukraine


Mutungamiri wenyika yeAmerica VaJoe Biden vazivisa kuti vachange vachiwedzera rubatsiro rwuri kupihwa nyika ye Ukraine nemari inosvika mamiriyoni mazana masere kana kuti US$800 million. Mari iyi ndeyekutenga zvombo zvehondo nekubatsira vari kutiza hondo iri mu Ukraine iyo iri kurwisana reRussia.

Nyanzvi munyaya dzezve hupfumi Muzvinafundo VaElliot Masocha vanoti zviri kuita America zvinoratidza kuti nyika iyi iri kutopinda muhondo kunyangwe isiri kubuda pachena.

"Zviri kuitika izvi zvinoratidza kuti hondo iyi ichaenderera mberi kwenguva ndefu uye zvino tyisa kuti hondo iyi inogona kuzo ita hondo yepasi rose kana pakashaya nhaurirano dzerunyararo dzinokwanisa kuitwa nechimbi chimbi," VaMasocha vaudza Marvellous Mhlanga-Nyahuye weStudio 7.

Mutungamiri weRussia VaVladimir Putin vakataurawo nezuro vakati vanga vasina dzimwe nzira dzekugadzirisa gakava ravo ne Ukraine kusara kwehondo sezvo hurukuro dzavaiyedza kuita nenyika iyi murunyararo dzisina kufamba zvakanaka.

VaMasocha vakurudzira hurumende yeZimbabwe kuti iwanikwe ichipa rubatsiro kuvadzidza vanove zvizvarwa zvemu nyika zvakatiza hondo yekuUkraine sezvo vari ivo vatungamiri vamangwana.

"Tinotenda hurumende yeZimbabwe nekutenga kwayakaita matikiti evadzidzi vemunyika vakatiza hondo yeUkraine neRussia. Asi zvakakosha kuti vagadzirise nyaya yekuti vana vakatiza hondo vapihwe rubatsiro rwekuti vaenderere mberi nedzidzo yavo muzvikoro zvepamusoro munyika sezvo zvisinga zvivikanwe kuti hondo iyi inopera riinhi uye vadzidzi ava variivo vatungamiri vemangwana," VaMasocha vau`dza Studi 7

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:27 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG