Accessibility links

Breaking News

Imwe Mhando yeCovid-19 Yotanga Kupararira Zvinotyisa


Kamwe kamhando kechirwere ichi kanonzi omicron stealth subvariant BA.2 kanonzi kave kupararira zvinotyisa munyika dzemuEurope dzakaita seGermany, Britain, France, Italy, muAmerica nedzimwe.

Nyanzvi munyaya dzezvehutano dzinonzi dziri kuongorora kamhando katsva aka kanonzi kanogona kunetsa kubatwa kana munhu achinge avhenekwa hutachiona hweCovid-19.

Nyanzvi munyaya dzezvirwere zvekutapuriranwa Muzvinafundo Davison Sangweme vanodzidzisa paUniversity of North Georgia muAmerica vaudza Studio 7 kuti chirwere chemhando yeCovid-19 chinoramba chichinja chinja nekudaro vanhu vanofanira kubayiwa nhomba yeCovid-19.

Munhu mumwe chete akafa nechirwere cheCovid-19 munyika nezuro zvasiya vafa nechirwere ichi kubva zvachatanga kupararira muna 2020 vave zviuru zvishanu nemazana mana negumi nevanomwe kana kuti 5 417.

Vanhu mazana mana nemakumi mashanu nematanhatu vakabatwawo nechirwere ichi nezuro kusanganisira vana vechikoro makumi mapfumbamwe nevanomwe.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG