Accessibility links

Breaking News

Mutungamiri weUkraine Okumbira America Rubatsiro Ukuwo Zvizvarwa ZveZimbabwe Zvakatiza muNyika Iyi Zvotanga Zvidzidzo


UKRAINE-CRISIS/USA-CONGRESS

Mutungamiri wenyika yeUkraine VaVolodymr Zelensikyy nhasi vataura kuburikidza nevhidhiyo nedare reparamende reCongress muAmerica vakakumbira zvombo kuti nyika yavo ikwanise kurwisana neRussia iyo iri kuyedza kuipamba. Hondo iyi yapa kuti vanhu vanodarika mamiriyoni maviri nezviuru zvisere vaenda muhupoteri.

Pavanhu ava, pane zvizvarwa zveZimbabwe zvakawanda zvange zvichiita zvidzidzo zvepamusoro. Zvimwe zvizvarwa izvi zvichiri munyika iyi asi zvimwe zvakapotera kunyika dzakapoteredza dzakaita sePoland, Romania neMoldova.

Zvimwe zvizvarwa izvi zvakadzokera kumusha. Mumwe akadzokera kumusha ndiVaLaison Moyo avo vanoti vatanga zvekare zvidzidzo vari muZimbabwe vachishandisa dandemutande asi havana chokwadi kuti hondo iyi ichapera riini.

Asi vari kukumbira hurumende yeZimbabwe kuti ivabatsire kupedza zvidzidzo zvavo vachitiwo mutengo wedata wekuti vaite zvidzidzo zvavo uri kudhura.

"Tiri kukumbira hurumende kuti itipewo mukana wekuti tidzidzewo muzvikoro zvepamusoro sezvo tisinga zive kuti hondo yemunyika meUkraine ichapera riinhi, nekuti tinoda kuzo shanda munyika tichibatsirana nehurumende yedu iyo yakatibatsirawo kubuda muUkraine," Va Moyo vaudza Studio7.

Russia yakatumira mauto ayo kunorwisa Ukraine mavhiki matatu adarika. VaZelenskyy vakumbira America kuti ibatsire. Kuti ndege dzehondo dzemuRussia dziri kurwisa nyika yavo dzisabvumidzwe kubhururuka. Vakurudzirawo kuti zvirango zvakatemerwa Russia zvisimbaradzwe nekusadyidzana nemakambani enyika iyi ari muAmerica.

VaZelensky vatiwo kurwiswa kwakaitwa America neJapan paPearl Habour uye kubhombwa kwakaitwa America musi wa 11 Gunyana 2001 nevanopfurikidza mwero veAl Qaida zvakafanana nezviri kuitwa munyika mavo neRussia.

Hurukuro na VaLaison Moyo
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG