Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Kurume, 16, 2022


Shona Headlines

Bato reCitizens Coalition for Change ropomera mapurisa mhosva yekuda kurirambudza kuita musangano kuMasvingo nemusu weSvondo.

Mapurisa osunga nekurova zvakaipisisa vadzidzi vange vachiratidzira paUniversity of Zimbabwe nenyaya yemari yechikoro yakawedzerwa.

Mutungamiri weUkraine VaVolodymyr Zelenskyy votarisirwa kutaura kudare reparamende reCongress muAmerica nhasi vachishandia vhidhiyo.

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chakatiza hondo kuUkraine chotaura nezvekuenderera kwacho nezvidzidzo padandemutande reInternet.

Mumwe muzvinabhizimusi wekuHwange, Amai Elizabeth Valerio, voparura bato ravo rinopikisa muHarare vachivimbisa kuvaka nyika patsva nedzidzo yemahara kuvana veprimary kana vakakunda musarudzo dzegore rinouya.

Imwe mhando yechirwere cheCovid-19 yotanga kupararira zvakanyanya kuChina, America nemuEurope.

Muchikamu chedu chatinotarisa zviri kuitwa nevana veZimbabwe vari kunze kwenyika, nhasi tine hurukuro nechizvarwa cheZimbabwe chiri muguta reDallas mudunhu reTexas muno muAmerica chinoita mitambo yenyambo, Alfred Kainga, icho chakasimudza mureza wenyika mukutanga kwemwedzi uno mushure mekuita mutambo wacho mumuzinda wemitambo unozivikanwa pasi rose, weApollo Theater uri muNew York.

Muchirongwa cheLivetalk Diaspora Forum nhasi na8pm tiri kutarisa nyaya yematambudziko ari kusangana nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kuSouth Africa uye hondo iri kuUkraine.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG