Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yokurudzirwa Kubatsira Vadzidzi Vakatiza Hondo kuUkraine Kuti Vagadzikane Mupfungwa


Sangano re United Nations Refugee Agency rinoti pane vanhu vanodarika mamiriyoni maviri nezviuru mazana masere kana kuti 2.8 million vakatiza hondo muUkraine iyo iri kurwiswa neRussia.

Pavanhu ava, pane vadzidzi vakawanda kubva kuZimbabwe vamwe vakanopotera munyika dzakapoteredza Ukraine dzakaita sePoland, Romania, Moldova nedzimwe. Asi zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe izvi zvakadzoka munyika.

Nyanzvi munyaya dzezve hutano Dr Simboso Ranga vanoti hurumende inofanira kupa rubatsiro rwakasimba kune zvizvarwa zveZimbabwe zvakadzokera kumusha izvi sezvo zvichikwanisa kunge zvakatarisana nematambudziko akawanda ekusagadzikana mupfungwa.

Nhaurirano dzekupedza hondo iyi dzinonzi dziri kuenderera mberi kunyangwe hazvo nyika yeRussia iri kuramba ichi kanda mabhambo muUkraine izvo zviri kushorwa nepasi rose.

NeMuvhuro nyika mbiri idzi dzakaita nhaurirana pachishandiswa vhidhiyo asi hapana chakabuda Nhaurirano dzaenderera mberi nhasi. America inoti inotsigira nhaurirano asi ichiti Russia inofanira kuratidza kuzvipira kupedza hondo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:28 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG