Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro, Kurume, 14, 2022


Shona Headlines

Chingwa chiri kutarisirwa kutanga kunetsa munyika nekuda kwekurwiswa kweUkraine neRussia nyika mbiri dzinotengwa gorosi neZimbabwe.

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chotaura nezvenhamo yachakaona chichitiza hondo yemuUkraine.

Zimbabwe yoramba yakatarisana nedambudziko rekushaya vakoti navanachiremba sezvo vakawanda voramba vachitsvaga magwaro ekuti vanoshanda kunze kwenyika.

Muchirongwa cheLivetalk, nhasi na8pm tiri kuita hurukuro nezvesarudzo dzemaby elections uye hondo yekuUkraine.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG