Accessibility links

Breaking News

VaMwonzora Vokurudzira Nhaurirano


Mutungamiri weMDC Alliance musarudzo VaDouglas Mwonzora
Mutungamiri weMDC Alliance musarudzo VaDouglas Mwonzora

Mutungamiri wechimwe chikwata cheMDC T uye vari kutungamira bato reMDC Alliance musarudzo VaDouglas Mwonzora vari kukurudzira kuti munyika muitwe nhaurirano dzavanoti ndidzo chete dzinokwanisa kupedza matambudziko makukutu akatarisana nenyika. VaMwonzora vataura mashoko aya pamusangano wavo kuHighfield muHarare nhasi.

VaMwonzora vakurudzira kuti munyika muitwe nhaurirano vachiti izvi ndizvo chete zvinopedza matambudziko akatarisana nenyika munyaya dzezvematongerwo enyika nezvimwe. Asi varamba kuti nhaurirano idzi dzakanangana nekuti vawane chigaro muhurumende yemubatanidzwa.

Varambawo kuti bato iri rave zuru rakapinda nyoka risina kana mukana wekutora kana chigaro chimwe chete musarudzo sezvo riri kutatarika kukwezva vanhu kumisangano yaro.

Asi vachitaura panyaya yenhaurirano vaimbova kanzura muMasvingo uye vari nhengo yeCCC VaGodfrey Kurauone vati hazvina maturo kuita nhaurirano nevaMwonzora sezvo kupokana kuri pakati pemutungamiri wenyika Vaemmerson Mnangagwa nemutungamiri weCCC VaNelson Chamisa.

Izvi vataura havo kunyangwe chimwe chipangamazano chavo munyaya dzezvemitemo VaTapera Sengweni vakaenda kumatare kuti sarudzo dzisaitwe vachiti dzakanonoka kuitwa zvakatarwa mubumbiro remutemo uye kupedza mari.

VaMwonzora vanoti havanei nenyaya iyi asi vachiti vaSengweni vane kodzero pamutemo kutora danho iri.

Nyaya Ina Blessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:27 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG