Accessibility links

Breaking News

Vaimbove Meya veHarare, VaGomba, Vanosungwa Vachipomerwa Mhosva yeKupisa Motokari yeNhengo yeMDC-T Muna 2020


Harare Mayor Herbert Gomba

Mashoko atichangowana anoti vaimbove meya weguta reHarare, VaHerbert Gomba, avo vambonzi vapambwa kubva pamba pavo mumusha weGlen Norah C muHarare nevarume vanonzi havazivikanwe, vanonzi vawanikwa vari mumaoko emapurisa anochengetedza mutemo eLaw and Order. uye vari pakamba yeHarare Central Police Station.

VaGomba vanonzi vasungwa vachipomerwa mhosva yekupisa motokari yenhengo yebato reMDC-T, VaGilbert Mbwende muna 2020 mumusha weBelvedere muHarare.

VaMbwende vari kukwikwidza musarudzo yemumiriri weHighfield East vakamiririra MDC Alliance musarudzo dzema by-election dziri kuitwa musi wa 26 mwedzi uno.

Vamwe vanonzi vari kutsvagwa nemapurisa vachipomerwa mhosva yekupisa motokari iyi pamwechete naVaGomba ndaVaDenford Ngadziore naVaLovejoy Chitengu.

VaGomba vanonzi vatorwa pamba pavo masikati nevarume vanonzi vanga vaine motokari nhatu chena dzerudzi rwe Isuku dzanga dzisina manhamba.

Studio 7 yaedzawo kubata VaGomba parunhare asi nharembozha yavo yanga ichingorira isiri kudairwa.

Hatina kukwanisawo kubata mapurisa kuti tinzwe kana VaGomba vari mumaoko avo uye kuti vari kutsvaga vamwe vaviri avo.

VaGomba vari kutongwa neimwe nyaya yehuwori vachinzi vakatengesa nzvimbo yekuvakira zviri kunze kwemutemo panguva yavaive vari meya weguta reHarare.

Ivo nevamwe vatatu vaive vashandi vekanzuru yeHarare vari kutarisirwa kudzoka kudare nemusi wa 14 Kukadzi, unove Muvhuro unouya.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG