Accessibility links

Breaking News

Vaimbove Meya weGuta reHarare, VaHerbert Gomba Vanonzi Vapambwa neVanhu Vasingazivikanwe


Vimbove meya weHarare, VaHerbert Gomba
Vimbove meya weHarare, VaHerbert Gomba

Mashoko atichangotambira anoti vaimbove meya weguta reHarare, VaHerbert Gomba, vatsakatika nhasi mushure mekupambwa kubva pamba pavo mumusha weGlen Norah C muHarare.

Vachinyora padandemutande reTwitter, mutauriri weCitizens' Coalition for Change, Muzvare Fadzayi Mahere vati varume vasingazivikanwe vasvikopinda mumba maVaGomba nenguva dzekuma 2:30 dzemasikati.

Varume ava vanonzi vashandisa motokari nhatu chena dzerudzi rwe Isuku dzanga dzisina manhamba mukuita basa iri, vachiti nanhasi hapana ati aziva kwavari.

Studio 7 yaedzawo kubata VaGomba parunhare asi nharembozha yavo yanga ichingorira isiri kudairwa. Hatina kukwanisawo kubata mapurisa kuti tinzwe kana kupambwa kwaVaGomba uku kwamhang'arwa.

VaGomba vari kutongwa nenyaya yehuwori vachinzi vakatengesa nzvimbo yekuvakira zviri kunze kwemutemo panguva yavaive meya weguta reHarare.

Ivo nevamwe vatatu vaive vashandi vekanzuru yeHarare vari kutarisirwa zvakare kudzoka mudare nemusi wa 14 Kukadzi, unove Muvhuro unouya.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG