Mutungamiri wechimwe chikwata che MDC-T, VaDouglas Mwonzora, vari kutarisirwa neSvondo kuita musangano mukuru munhandare yeZimbabwe Grounds mumusha weHighfields wekutsvagira nhengo dzavo rutsigiro pamberi pesarudzo dzema by-election dziri kuitwa mwedzi uno.
Mutauriri waVaMwonzora, VaLloyd Damba, vanoti vanotarisira kuti vatsigiri vavo vachabuda nehuwandu hwavo kuenda kumusangano uyu, vachiti havatarisire kuti vangarambidzwa nemapurisa kuunga sezvakamboitika kuEpworth.
Panyaya yekuti vanotarisira vanhu vakawanda here misangano yanga ichimboitwa naVaMwonzora yaipindwa nevanhu vashomashoma, vadamba vanoti vanhu havafanirwi kufananidza misangano yaiitirwa mudzimba nemuzvikoro nemusangano mukuru we rally, sezvo zvakatosiyana zvachose.
Facebook Forum