Accessibility links

Breaking News

Nhengo dzeBato reCCC Dziri kuKwikwidza kuMasvingo Dzopomera Zanu PF Mhosva yeKutyisidzira Vatsigiri Vadzo

FILE - Nhengo dzeCitizens Coalition for Change. (Columbus Mavhunga/VOA)

Nhengo dzebato reCCC dziri kukwikwidza musarudzo dzema by-elections mwedzi uno kuMwenezi East pamwe neChivi South dziri kuchemachema
kuti vatsigiri vadzo vari kutyisidzirwa nenhengo dzebato reZanu PF kuti vasaende
kumisangano yavo.

Nhengo idzi dzinoti, VaPual Mhlolo vekuChivi South naVaTendekai
Mandizvidza veMwenezi East, dzinoti pamusoro pazvo mapepa avo ekutsvagisa rutsigiro kana kuti maposter ari kubvarurwa.

VaMhlolo vanoti nhengo dzavo maChivi dziri kutyisidzirwa nemhirizhonga
uye dziri kutotya kuuya kumisangano yavo yekutsvaga rutsigiro.

VaMandizvidza vatsinhira izvi vachiti munzvimbo mavo vatsigiri veZanu
PF vari kutenderera vachiimba kuti CCC nevatsigiri vayo havadi
kuonekwa.

Asi sachigaro veZanu PF mudunhu reMasvingo, VaRobson Mavhenyengwa,
varamba izvi vachiti manyepo bato ravo hariiti zvemhirizhonga
musarudzo.

Asi bato reCCC rinoti mhirizhonga kuvatsigira vayo munyika iri kuwanda
uye nhengo dzayo dziri kukwikwidza dziri kuvhiringwa.

hengo dzebato reCCC dziri kukwikwidza musarudzo dzema by-elections mwedzi uno kuMwenezi East pamwe neChivi South dziri kuchemachema
kuti vatsigiri vadzo vari kutyisidzirwa nenhengo dzebato reZanu PF kuti vasaende
kumisangano yavo.

Nhengo idzi dzinoti, VaPual Mhlolo vekuChivi South naVaTendekai
Mandizvidza veMwenezi East, dzinoti pamusoro pazvo mapepa avo ekutsvagisa rutsigiro kana kuti maposter ari kubvarurwa.

VaMhlolo vanoti nhengo dzavo maChivi dziri kutyisidzirwa nemhirizhonga
uye dziri kutotya kuuya kumisangano yavo yekutsvaga rutsigiro.

VaMandizvidza vatsinhira izvi vachiti munzvimbo mavo vatsigiri veZanu
PF vari kutenderera vachiimba kuti CCC nevatsigiri vayo havadi
kuonekwa.

Asi sachigaro veZanu PF mudunhu reMasvingo, VaRobson Mavhenyengwa,
varamba izvi vachiti manyepo bato ravo hariiti zvemhirizhonga
musarudzo.

Asi bato reCCC rinoti mhirizhonga kuvatsigira vayo munyika iri kuwanda
uye nhengo dzayo dziri kukwikwidza dziri kuvhiringwa.

Nyaya yeCCC ina Godfrey Mtimba
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG