Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Kurume, 11, 2022


Shona Headlines
Shona Headlines

Bato re Citizens’ Coalition for Change rinokwira kudare repamusoro reHigh Court richida kuti ripindire mushure mekunge mapurisa arambidza musangano wanga wakarongwa nebato iri kuMarondera mangwana kuenderera mberi achishandisa mutemo weMOPA. Mapurisa anonzi anyima zvakare mvumo yemumwe musangano webato iri kuBinga North mangwana akare.


Vabereki vochema-chema nedzimwe mari dzechikoro dzakapetwa kazana kubva muzana dzave kudiwa nezvimwe zvikoro mudunhu reMasvingo kuwedzera mari dzakanga dzabhadharwa kare, zvikoro zvichiti zviri kutora danho iri nekuda kwekukwira kwemitengo yezvinhu.

Dzimwe nhengo dzebato reCCC kuChibi South and Mwenezi East dziri kukwikwidza musarudzo dzema by-election mwedzi uno dzopomera vatsigiri veZanu PF mhosva yekuvhundutsira nekutyisidzira vanhu, uye kubvarura mapepa adzo ekutsvagisa rutsigiro.

Vakuru-vakuru muAmerica vanobvumidza mumwe mudzimai weku Ukraine nevana vake vatatu kuti vatsvake hupoteri, danho rinopesana nezvakanga zvaitika neChitatu apo mudzimai uyu akarambidzwa kupinda pasi pemutemo wehurumende yaVaJoe Biden unorambidza kutsvaga kuchengetedzwa.

Sangano revarairidzi, reZimbabwe Teachers’ Association, ZIMTA, rokwira kudare repamusoro reHigh Court richida kuti rimanikidze hurumende kurasa danho rayakatora rekumbomisa basa varairidzi vakanga vasiri kuenda kumabasa kubva pakavhurwa zvikoro vachiti vakanga vasina mari dzekufambisa.

Vateveri vemitambo ye rugby nenhabvu votarisana nemitakunanzwa mukupera kwesvondo.

Muchirongwa cheLiveTalk nhasina 8pm tiri kutarisa nezviri kuitika mugadziriro yesarudzo dzema by-election dziriko mwedzi uno, uye zviri kuitika kuUkraine uko kune vadzidzi vakawanda kubva kuZimbabwe.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175 ne7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG