Accessibility links

Breaking News

Masvingo Yotengera Munyori weKanzuru Chikakarara cheMota Vagari Vasina Mvura yeKunwa


Meya weguta reMasvingo VaCollen Maboke
Meya weguta reMasvingo VaCollen Maboke


Vamwe vagari vemuguta reMasvingo vari kutsutsumwa nedanho rekanzuru rekutengera munyori wayo, VaEdward Mukaratirwa, motokokari
inodhura zvikuru inoita mamiririoni makumi maviri nemanomwe emaRTGS kana kuti ZW$27 million panguva iyo vari kuti vakatarisana nematambudziko akawanda sezvo mabasa asiri kufambisa zvakanaka.

Pamusangano wayo wepakupera kwemedzi, kanzuru yakabudisa mashoko ekuti vakatengera munyori mukuru motokari yemhando yepamusoro yerudzi rweToyota Prado, kubva kunze kwenyika uye iri kutarisirwa kusvika muguta munguva pfupi inotevera.

Vamwe vagari vanoti kunyange vasingapokani nehurongwa hwekuti munyori atengerwe motokari yebasa vanoti aifanira kutengerwawo isingadhuri
kuitira kuti imwe mari ifambise mamwe mabasa akaita sekuvawanira mvura.

Mumwe mugari wekuSisk, Amai Sungano Zvarebwanashe, vanoti havasi kufara nedhanho iri vachitarisa matambudziko akawanda avari kutarisana nawo sevagari.

Meya weGuta reMasvingo, VaCollen Maboke, vanoti havaoni chakaipa sezvo mutemo uchibvumidza kuti munyori wekanzuru atengerwe motokari
yemhando yakadai. Vatiwo ndiko kuti vakwezve vashandi vane hunyanzvi.

Asi Mukuru webasa musangano revagari reMasvingo United Residents and Rate Payers Alliance(MURRA), VaAnoziva Muguti, vati mari yakashandiswa nekanzuru yakawandisa pamotokari iyi.

Guta reMasvingo rakatarisana nematambudiko akawanda anosanganisira dambudziko remvura iro rave nemakore akawanda riripo.

Mvura inouya mudzimba pakati pehusiku kwemaawa mashoma yoswera isiko sezvo pombi nemichina inodhonza mvura yave kukurirwa nehuwandu
hwevagari.

Vagari vanochema chemawo nenyaya yekutakurwa kwemarara ayo asiri kutakurwa nenguva.

Kanzuru inoti ine motokari mbiri dzoga dzekutakura marara mugutan rose nekudaro dziri kukurirwa.

Apowo zvinhu zvakaita manyama amire nerongo mumigwagwa, zvipatara pamwe nezvikoro zvekanzuru.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG