Muchikamu chedu chatinotarisa zviri kuitwa nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika, nhasi tine hurukuro negweta rinorwira kodzero dzevanhu, uye vaive gweta remurwiri wekodzero dzevanhu akatsakatika, Itai Dzamara, VaKennedy Masiye.
VaMasiye vanoti vakauya muno muAmerica muna 2016 mushure mekunge vaita dambudziko rekutadza kushanda zvichitevera kutsakatika kwaVaDzamara musi wa 09 Kurume 2015.
Vasvika muno mu America, VaMasiye vakaenderera mberi nekuita zvidzidzo zvepamusorosoro zvehugweta paNotre Dame University.
Pari zvino vari kushanda segweta neimwe kambani yemagweta ine mukurumbira pasi rose yeBerry, Appleman & Leiden LLP iri muRichardson muTexas vachigara muDallas makare muTexas.
Vanoshandawo nemamwe masangano anorwira anosanganisira reYoung African Leaders Initiative, YALI, reEffective African Court rine muzinda kuTanzania, uye vane ravowo sangano rinonzi All Hands on Justice, iro rinoongorora nyaya dzekutyorwa kwekodzero dzevanhu muZimbabwe nedzimwe nyika dzemuAfrica.
VaMasiye vane mudzimai nevana vatatu, uye vanoti vachiri kuramba vachibatsira zvizvarwa zveZimbabwe zviri muAmerica munyaya dzekodzero dzevanhu pamwe nenyaya dzekutama kwevanhu vanobva kune dzimwe nyaika, kana kuti immigration.
VaMasiye vanokurudzira vana veZimbabwe kuramba vachishandisa kodzero dzavo, zvikuru munguva ino yekunyoresa kuvhota, vachiti izvi ndizvo chete zvinozoita kuti vakwanise kushandisa kodzero dzavo mukusarudza vatungamiri vavanoda.
Facebook Forum