Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yoronga Kuvandudza Mutemo Kuti Vekunze Vakwanise Kuwana Marezinesi eKutepfenyura


Monica Mutsvangwa, gurukota rezvekuburitswa kwemashoko
Monica Mutsvangwa, gurukota rezvekuburitswa kwemashoko

Gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, Amai Monica, Mutsvangwa vanoti hurumende iri kuvandudza mutemo wezvekutepfenyura, weBroadcasting Services Act kuti vekunze vakwanisa kusima mari dzavo mukambani ezvekutepfenyura emuno, izvo zvisingabvumidzwe nemutemo parizvino.

Mumaashoko avo averengwa nemutevEdzeri wavo, VaKindness Paradza pamusangano wekezeya mamiriro akaita nyaya dzekutepfenyura munyika, uyo wange wakarongwa neMISA-Zimbabwe, Amai Mutsvangwa vati hurumende inoziva kuti mutemo weBroadcasting Services Act hauchafambirani nenguva uye uri kuvandudzwa.

Vati sezvo makambani ekutepfenyura ari kuomerwa zvakanyanyaya zvimwe zviri kuitwa nehurumende kuvandudza mutemo uyu kuti vekunze vakwanise kupindawo mumabasa ekutepfenyura.

Vatiwo mutemo weBroadcasting Services Act unovharidzira zvakawanda nekutadzisa kuvhurwa kwakanaka kwemasaisai uye izvi zvave kubviswa mumutemo.

Vaenderera mberi vachiti mushure mekupa marezenesi kunhepfenyuro dzedzeradio dzemumatunhu kana kuti Community Radio Stations vavewo kuronga kupa marezenesi kunhepfenyura dzemateverevhizheni dzemumatunhu.

Vati pasi pemutemo mutsva, Broadacasting Authority of Zimbabwe inenge yave kusungirwa kukoka vanoda marezenisi ekutepfenyura kamwe pagore kwete zvairi kuita pari zvino zvekuiti inoita izvi painodira.

Vatiwo BAZ ichange yave kuusungirwa kutsigira nhepfenyura dzemumatunhu nemichina yekutepfenyura kana mari pasi pehomwe yavo yeBroadacting Fund.

Sachigaro veMISA Zimbabwe VaGolden Maunganidze vaudza Studio 7 kuti zviri kurongwa nehurumende ndozvagara vachitauura sezvo mutemo weBroadcasting Services usisafambirane nenguva.

Vanoona nezvekufambiswa kwezvirongwa musangano reZimbabwe Association of Community Radio Stations, VaJerry Zingwevu vati vanofara kuti hurumende ichabvumira kuti vari kunze vatsigire nepfenyuro dzematunhu.

Panyaya yeBroadcasting Fund vati panofanira kuve nehurongwa kwekuti nhepfenyuro dzinowana rubatsiro sei.

Vachitaurawo pamusangano wanhasi mukuru weBAZ VaMathisa Chakanyuka yakatobatsira nhepfenyuro yeAuxeni Community Radio Staion nemichina yekutepfenyuraa uye pari zvino vakatotenga michina yeManama Ntepe Community Radio Station yeGwanda.

Zvichakai hurumende inoti ichatora marezenisi enhepfenyora dzemunharaunda kana dzikatadza kuenda pamemhepo mukati memwedzi gumi nemisere sezvinodiwa nemutemo.

Pari zvino Avuxeni ndiyo yega yave kutepfenyura. Asi VaOwen Dhliwayo vanoona nezvezvirongwa MuMuganga Radio Station kuChipinge vaudza Studio 7 kuti havasi kuzorega rezenisi richienda.

Mutemo weBroadcasting Services Act wakadzikwa muna 2001 apo hurumende yaivava isingade kupa mukana kune mamwe makambani kuti atepfenyure.

Asi kunyange hazvo mutemo uyu usati wasandurwa pane mutemo wechimbi chimbi kana kuti Statutory Instruement yakaiswa nehurumende iyo yakaita kuti BAZ ikwanise kupa marezenisi kune mamwe makambani, zvikoro zvepamusoro zvakaita seGreat Zimbabwe University pamwe nhepfenyuro dzematunhu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG