Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Kurume, 09, 2022


Shona Headlines
Shona Headlines
Hurumende yotendera zvizvarwa zvekunze kuvamba makambani ekutepfenyura munyika nezvikamu zvishoma.
Murwiri wekodzero dzevanhu VaItai Dzamara vosvitsa makore manomwe nhasi vapambwa, hurumende isati yazivisa mhuri yake kuti chii chakaitika kwavari.
Vamwe vagari vemudhorobha reMasvingo vari kutsutsumwa nedanho rekanzuru rekutengera munyori wayo, VaEdward Mukaratirwa, motokokari
inodhura kanzuru ichikundikana kuita mabasa.
Bato rinopikisa reCitizens Coalition For Change royambira kuti munyika muchaita mhirizhonga muna 2023 kana mhirizhonga ikasamiswa ikozvino.
Muchikamu chedu chatinotarisa zviri kuitwa nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika, nhasi tine hurukuro negweta rinorwira kodzero dzevanhu, uye gweta remurwiri wekodzero dzevanhu akatsakatika, VaItai Dzamara, VaKennedy Masiye, avo vave kugara muguta reDallas muTexas, muno muAmerica, umo vari kuenderera mberi nekubatsira zvizvarwa zveZimbabwe munyaya dzekodzero dzevanhu.

Muchirongwa chedu chatinotaura nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika kana kuti Diaspora Form na8pm tiri kutaura nezvekuvhurwa kwemabhodha uye kurwiswa kwezvizvorwadza zveZimbabwe muSouth Africa nehondo iri kuUkraine line zvizvarwa zveZimbabwe zviri kudzidza.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG