Accessibility links

Breaking News

Chizvarwa cheZimbabwe Chotaura Nhamo Yachakaona Chichitiza Hondo kuUkraine


Mauto emuUkraine
Mauto emuUkraine

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chakakwanisa kutiza kubva muUkraine chichienda kuRomania chisati chaenda kuGermany VaKeith Chitunhu vaudza Studio 7 kuti vainge vogara vakabatira hana mumaoko sezvo muzvimbo mavange vari mange mogara muchikandwa mabhambo neRussia iri kurwisa nyika iyi.

VaChitunhu vanoti vakatiza vari mubhazi nemunin’ina wavo asi zvainge zvisiri nyore. Ukraine iri kupomera Russia mhosva yekupota ichibhomba vanhuwo zvavo kana vanenge vachienda muhupoteri kunyangwe nyika mbiri idzi dziri kumbotenderana kuti vapoteri vasarwiswe.

VaChitunhu vanoti vakafamba mutunhu wakareba kuti vasvike kubhodha reRomania kwavakatiza nako. Vatiwo pamiganhu yenyika iyi pari kutiza napo vanhu pari kuitwawo zverusarura ganda kuvadzidzi vekuAfrica vari kurambidzwa kubuda.

Vanoti vamwe vanhu vave kufa nechando sezvo kuri kutonhora zvakanyanya. United Nations inoti vanhu vanodarika mamiriyoni maviri vatiza muUkraine vachienda muhupoteri muhondo yasvika mavhiki maviri iyi.

Hondo yemuUkraine yave kukonzera kudhura kwemafuta ekufambisa dzimotokari uye kukwira kwemutengo wechingwa pasi rose sezvo nyika mbiri idzi dzichirima gorosi rakawanda rinotengeswa kana muZimbawe.

United Nations inoti vanhuwo zvavo vasiri mauto vanodarika mazana mana vafa muhondo iyi. MuUkraine mune zvizvarwa zveZimbabwe zvakawanda zviri kudzidzamo uye zvimwe zvakakwanisa kutiza asi zvimwe zviri kunetseka kubuda.

Hurukuro naVaKeith Chitunhu
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG