Accessibility links

Breaking News

VezveHupfumi Vanoti Dambudziko reMari Yekunze Richaramba Ririmo muNyika


Gavhuna veRBZ, Va John Mangudya
Gavhuna veRBZ, Va John Mangudya

Dzimwe nyanzvi mune zvehupfumi dzinoti kunyange hazvo Reserve Bank of Zimbabwe yakakwanisa kubhadra vose vakanga vakahwinha mari pamusika wemari yekunze, we foreign currency auction, dambudziko remari yekunze richiri kunetsa vemabhizimusi vanoda mari iyi kuti vatenge zvinhu kubva kunze kwenyika.

Nyanzvi mune zvehupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Prosper Chitambara, vanoti havaoni izvi zviine zvikuru zvazvinobatsira kugadzirisa dambudziko remari yekunze iri nekuti mari yekunze inodiwa pamwedzi pamusika wemari uyu inosvika kumamiriyoni mazana matanhatu emadhora ekuAmerica, kana kuti US$600 million.

Doctor Chitambara vanoti bhanga guru renyika riri kukwanisa kuwanisa mari inogona kusvika kumamiriyoni mazana maviri nemakumi maviri emadhora pamwedzi chete, izvo zvavanoti zvinosiya mukaha wakakurisisa pakati pemari inodiwa pamwedzi nemari iri kukwanisa kuunganidzwa neReserve Bank of Zimbabwe.

Imwe nyanzvi yezvehupfumi vari zvakare muzvinabhizimusi, VaGlibert Muponda, vebato reZanu PF, vanoti panofanirwa kutorwa matanho akasimba anoderedza kushandiswa kwemari yekunze munyika, akaita sekushandiswa kwemari yemunyika zvakanyanya kuitira kugadzirisa dambudziko iri.

VaMuponda vanoti hurumende inofanirwa kunge ichitungamira mukushandiswa kwemari yemunyika kuburikidza nekuchaja kana kubhadharisa miripo yezvinhu zvakaita semapasipoti nezvimwe nemari yemunyika.

Izvi zvinotsigirwawo nemutungamiri weConfederation of Zimbabwe Retailers, VaDenford Mutashu, avo vanoti mari yemunyika inofanirwa kukwidziridzwa huremu hwayo kuitira kuti ishandisike munzvimbo dzakasiyanasiyana, izvo zvinozoderedzawo kushandiswa kwemari yekunze.

Asi Doctor Chitambara vanoti kugadzirisa dambudziko remari yekunze iri panofanirwa kuratidzwa pachena mutengo wemari yekunze uri pamutemo uye mari yekunze inodiwa pamusika pamwedzi neiri kukwanisa kuiswa pamusika wemari pamwedzi.

Svondo rapera gavhuna veReserve Bank of Zimbabwe, Doctor John Mangudya, vakazivisa kuti bhanga renyika rakanga rakwanisa kubhadhara musaridzirwa wemari inosvika mamiriyoni mazana maviri emadhora ekuAmerica, kana kuti US$200 million, kune vose vakanga vasati vapiwa mari dzavo, vamwe kwemwedzi inodarika miviri kana mitatu.

NYAYA INA JONGA KANDEMIIRI
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG