Accessibility links

Breaking News

Chicken Inn Yotungamira PSL, Bosso Ichitatarika


Dynamos-v-Highlanders

Makundano eCastle Lager Premier Soccer League ave nechikwata chitsva chiri kutungamira zvichitevera mitambo yemukupera kwesvondo. Michael Kariati anotitaurira kuti chikwata chave panyanga ndechipi.

Chicken Inn iyo yakatora mukombe uyu muna 2015 ndiyo yave pamusoro pegungano rePSL nushure kutsedza kweManica Diamonds yakarohwa neZPC Kariba 2-0 nezuro.

MaGame Cocks apinda mumapoinzi makumi mashanu, mapoinzi maviri pamusoro peManica Diamonds neTriangle idzo dzakaenzana pamapoinzi gumi nematatu.

Asi murairidzi weChicken Inn Joey Antipas haasi kubvuma kuti maGame Cocks ari pazvikwata zvinganzi zvisimudze mukombe uyu.

Hondo yekurwira hutungamiri hwegungano iri yabaka moto zvekuti Manica Diamonds neTriangle idzo dziri pachinhanho chechipiri dzasiyana nemapoinzi maviri chete neHerentals neFC Platinum.

Dynamos neNgezi Platinum Stars, idzo dzirikutevera nemapoinzi gumi, dzasiiwawo nemapoinzi matatu chete neManica Diamonds neTriangle asi mapoinzi mashanu pasi peChicken Inn.

Asi Highlanders haisi kufambirwa nezvinhu zvakanaka. Bosso ine mapoinzi mashanu chete uyezve pachinhanho chegumi neina mugungano rezvikwata gumi nezvisere.

Muongorori wemutambo wenhabvu VaLawrence Hwekwete vanoti nhabvu yasanduka zvekuti chero ana Highlanders vanokwanisa kubuda muligi nekukundwa vakasasunga dzisimbe sezvavakavinbisa svondo rapera.

Kwatambwa mitambo mitanhatu, zvikwata zvina zviri pasi pasi ndeizvi

Yadah. 4 points

Bulawayo City. 4 points

Cranbourne Bullets. 2 points

Hwahwa. 2 points

Totarisa mutambo werugby

Old Hararians neOld Georgians dzirikusangana mufainari yeNedbank Rugby Challenge 2022 zvichitevera kupera kwemitambo yeligi mukupera kwesvondo.

Zvikwata zviviri izvi zvakapedza zviri pamusoro petafura mumakundano eligi emukombe uyu ayo aive nezvikwata zvisere. Mitemo yemakundano aya inoti zvikwata zviviri zvinenge zviri pamusoro petafura zvinosangana mufainari chinokunda chacho chotora mukombe. Fainari iyi iri kutambwa muHarare Sports Club neMugovera.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG