Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro, Kurume, 07, 2022


Shona Headlines
Shona Headlines

Hurumende yoramba yakatsika madziro pakuda kuomesera masangano akazvimirira oga kunyangwe chikonzero chikuru chekuti iri kuda kumisa kufambiswa kwemari dzinozogona kushandiswa nevanopfurikidzwa mwero chisisipo sezvo Zimbabwe yabviswa panyika dzange dzichiongirorwa panyaya iyi kubva muna 2019.

Varimi vakawanda kuMasvingo votarisana nenzara sezvo mvura yarambira mudenga.
Huwandu hwevari kubatwa neCovid-19 hworamba huchiwedzera.
United Nations Population Fund inoti huwandu hwemadzimai ari kufa achisungunuka vana hunogona kunge hwawedzera nekuda kwenhamo yaunzwa nechirwere cheCovid-19.

Muchirongwa chedu cheLivetalk na8pm tiri kutarisa nyaya yemaby-elections uye zviri kuitika kuUkraine.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG