Accessibility links

Breaking News

Mombe Dzofa neMuchetura Kubva kuMugodhi weZvimwe Zvizvarwa zvekuChina neMunyika kuMhangura


Vamwe vagari vekuChikuti kuMhangura vari kurasikirwa nemombe dzavo mushure mekunwa mvura inemuchetura.

Mombe idzi dzinonzi dzakanwa mvura ine muchetura weCyanide yakapinda murwizi rweAngwa kubva kumugodhi wegoridhe weDetroop mine wezvizvarwa zvekuChina nemimwe miviri yezvizvarwa zvemuno.

Muchetura uyu unonzi uri kuurayawo hove dzakawanda nemakarwe uye zvinonzi munhu mumwechete akafa.

Mumwe mugari anogara kuzasi kwerwizi kubva pamugodhi wezvizvarwa zvekuChina weDetroop, VaMasimbanashe Svosve avo vakarasikirwa nemombe mbiri vanoti nyaya yavo nevaridzi vemugodhi yakatanga makore mashanu apfuura. Muzinda weChina muZimbabwe unogara hawo uchiti pane vamwe vanhu vanoda kusvibisa mazita ezvizvarwa zvenyika yavo nekuvazotra mafuta enguruvce yavasina kudya. Muzinda uyu unoti chinangwa chezvizvarwa zveChina zviri muZimbabwe kuda kusimudzira hupfumi hweZimbabwe.

VaSvosve vanoti zvizvarwa zvekuChina izvi zvino bata mvura nekuchere makomba makuru kumusoro kwerwizi mavanoisa mushonga weCyanide voshandisa kusuka ivhu rinenge racherwa kana kuti 'chitofu' kuti vawane goridhe.

VaSvosve vanoti chinoshamisa ndechekuti kunyange vakamhan'ara kubazi rinoona nezvekuchengetwa kwenharaunda reEnviromental Management Agency-EMA-hapana zvavanoita zvazoita kuti varasikirwe nezvipfuwo zvavo.

Mumwe mugari akafirwa nemombe imwechete VaLameck Chirayi vanoti migodhi yose iri pedyo nerwizi inofanirwa kuvharwa kuti vasa rasikirwe nezvipfuwo uye nekusvibisirwa mvura.

Mutauriri weEMA mudunhu reMashonaland West, VaMunyaradzi Nhariswa vanoti wongororo yavakaita inoratidza kuti pane kukukurwa kwemuchetura weCyanide kubva pamugodhi weDetroop uchipinda murwizi rweAngwa mwedzi wapera (Kukadzi) zvakakonzeresa kufa kwemombe, hove pamwe nezvipukanana zvinogara mumvura.

VaNhariswa vanoti wongororo yavakaita iyi inoratidzawo kuti hausi mugodhi wezvizvarwa zvekuChina chete uri kuisa muchetura weCyanide murwizi rweAngwa asi mimwe mugodhi yezvizvarwa zvemuno yakaita seMorroco 7 mine neTake 25 mine.

VaNhariswa vanoti vakatovharisa migodhi iyi vachiti inofanirwa kuratidza kuti yave kutevedzera mitemo inechekuita nekucherwa kwezvicherwa yakaita sekuve negwaro rinoratidza kukanganisa kunoitwa nharaunda pamwe nekuti icha gadziriswa sei reEnviroment Impact Assessment certificate iro ravainge vasina.

Hatina kukwanisa kunzwa kuvaridzi vemigodhi iyi kuti matanho api avari kutora kugadzirisa zviri kudiwa neEMA kuti vatange kushanda zvakare sezvo mukuru anoona nezvekufambiswa kwebasa pamugodhi weDetroop mine VaElija Bento varamba kutaura nevatori venhau vachiti titaure neveEMA.

Panyaya yemunhu ari kunzi akafa nemuchetura weCyanide uyu, mukuru mubazi rezvehutano mudunhu, VaGift Masoja, vanoti zvinonetsa kuti rufu rwemunhu uyu rwunzi rwakakonzerwa nemuchetura uyu sezvo anonzi akamborapwa pakiriniki yeMutala pasati paitika chiitiko chekuiswa kwemuchetura mumvura.

Wongororo yaitwa neStudio 7 inoratidza kuti mombe dzinosvika gumi nembiri dzakafa asi vagari vanoti mombe dzinodarika makumi maviri dzakafa uye dzimwe dzichiri kufa. EMA inoti ine humboo hwemomne nhatu dzavakaona dzakafa.

Hatina kukwanisa kuziva kuti imhuka dzakawanda zvakadii dzakafa nekuda kwemuchetura uyu sezvo mutauriri webazi rinochengetedza mhuka nezviwanikwa reZimparks, VaTinashe Farawo vati vanga vasati vave negwaro rizere kubva kubazi ravo mudunhu.

Mukuru weboka rinoona nezvekuchengetedzwa kwezviwanikwa reCentre for Resources Governance VaFarai Maguwu vanoti zvizvarwa zvekuChina zvave kutouya kuzoita makorokoza vachikonzeresa kufa kwevanhu nekuparara kwenharaunda vasingaripe.

VaNhariswa vano kurudzira makambani anochera zvicherwa kuti atevedzera mitemo yekuchera zvicherwa kuderedza njodzi mumigodhi pamwe nekusiya nharaunda yakachena.

Nyaya Ina Nunurai Jena
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:49 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG