Accessibility links

Breaking News

VaChamisa Votambirwa Zvine Mutsindo kuGweru


VaNelson Chamisa
VaNelson Chamisa

Zviuru nezviru zvevanhu zvaungana munhandare yeMkoba muGweru nhasi pamusangano webato idzva richangoumbwa reCitiozens Coalition for Change kana kuti Tripple C rinotungamirwa naVaNelson Chamisa. VaChamisa vatambirwa nenziyo uye detembo.

Vachitaura pamusangano uyu VaChamisa vashora zvikuru nyaya yemhirizhonga munyaya dzezvematongerwo enyika yakapa kuti vanofungidzirwa kuti vatsigiri veZanu-PF vauraye mumwe wevatsigiri wavo VaMboneni Ncube kuKwekwe svondo rapera.

VaChamisa vavimbisawo kuti vachadzora dhora remuAmerica vakamirira kugadzirisa nyaya dzezvehupfumi.

Izvi zvatsinhirwa nemumwe akafanobata chigaro chemutevedzeri webato iri VaTendai Biti avo vakambovawo gurukota rezvehupfumi.

Panyaya yekutungamira VaChamisa vati vashakabvu vakawanda vaive vatungamiri vanosanganisira VaMorgan Tsvangirai veMDC, VaDumiso Dabengwa veZapu uye VaRobert Mugabe vakafa vavatambira kuti vave mutungamiri wenyika.

Pamusangano vamwe vanhu vekuGweru varatidza kusafara nezviri kuitwa nezvimwe zvizvarwa zvekuChina munyika zvavanoti kuvhiringidza hupfumi hwenyika nekutyora kodzero dzevashandi.

Asi muzinda weChina muZimbabwe unoti vemabhizimisi vakawanda vari kungozorwa mafuta enguve yavasina kudya vachiti vari kusimudzira nyika.

Vamwe vataura pamusangano uyu mutevedzeri wemunyori mukuru musangano revashandi reZimbabwe Congress of Trade Unions VaKudakwashe Munengiwa avo vati vahsnadi vanoda kuti dhora remunyika ridzoswe.

Mutungamiri wesangano revadzidzi reZimbabwe National Students Unions atiwo pamusangano uyu zvinhu hazvina kumira zvakanaka muzvikoro nenyaya yekuramwa basa kwevarairidzi.

Asi vachitaura neStudio 7 panyaya yemhirizhonga, mukuru anoona nezvekuburitswa kwemashaoko mubato reZanu-PF VaTafadzwa Mugwadi vakati bato ravo harisi zvemangoromera.

Sarudzo dzemaby-elections kutsiva nhengo dzepamende dzakadzingwa neMDC-T dzichinzi dzaitsigira VaChamisa uye vamwe vakadzingwa kuZanu-PF nevakafa.

Hurukuro naVaNelson Chamisa
please wait

No media source currently available

0:00 0:06:41 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG