Accessibility links

Breaking News

Ukraine Inoti Mauto eRussia Ari Kurwisa Nzira dzeKununura Nadzo Vanhu


Vanhu vakawanda vari kuedza kubuda muUkraine vari pamuganho wePoland nenyika iyi.
Vanhu vakawanda vari kuedza kubuda muUkraine vari pamuganho wePoland nenyika iyi.

Ukraine yati mauto eRussia ari kurwisa nzira dzakawiriranwa kuti dzichashandiswa kuburitsa vanhu kubva muMariupol pamwe chete nemuguta, izvo zviri kutyora chibvumirano chekumbomisa kurwisana icho chaifanirwa kutanga kushanda nenguva dza 7 mangwanani enguva dze UTC.

Mutauriri webazi rezvekudzivirirwa kweRussia ,VaIgor Konashenkov, vati neChishanu Kurume 05, kubva na 10 mangwanani dzenguva dzeMoscow (0700 MGT), divi reRussia rinozivisa nezvekumbomisa kurwisana uye kuvhurwa kwenzira dzekubatsira nadzo vanhuwo zvavo kubuda kubva Mariupol neVolnovakha.

Nzira dzerubatsiro idzi nedzekubuda nadzo dzakawiriranwa pamwe nedivi reUkraine.

Vakuru vakuru muMariupol vati vachambononotsa hurongwa hwekuburitsa vanhu uye vakurudzira vagari kuti vapinde munzvimbo dzekuhwanda.

Nzira dzekubuda nadzo idzi dzaifanirwa kunge dzavhurwa kwemaawa mashanu kuitira zvose mabhazi nedzimotokari dzevanhuwo zvavo.

Gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika mu America, VaAntony Blinken vati mauto eRussia ari kuramba achishandisa nzira dzine hutsinye muUkraine, kusanganisira kurwisa vanhuwo zvavo.

Mashoko avo aya anotevera kurwisa kweRussia muzinda weUkraine we nuclear, unove mukuru kudarika mimwe yose muEurope, uko kwakamutsa moto mune chivakwa chiri munharaunda ine muzinda uyu.

Vachitaura nevatori venhau neChishanu pamberi pemusangano wavo nevamwe vavo vemuEuropean Union muBrussels, VaBlinken vakati “vakatarisana vese pamwechete nehondo yemutungamiri weRussia VaVladmir Putin, yavakatanga vasina kudenhwa".

Nyanzvi dzakaongorora muzinda we nuclear wakarwiswa muUkraine dzakati hapana muchetura wakabuda kubva mumumuzinda uyu vachiti vashandi vachiri kuenderera mberi vachiita basa ravo zvisina njodzi.

Vakuru vakuru muUkraine vanoti vanodzimura moto vakakwanisa kudzima moto uyu.

Sangano reUnited Nations Security Council rakaita musangano wechimbichimbi neChishanu wekuzeya kurwiswa uku zvichitevera chikumbiro cheUnited Kingdom, France, Ireland, Norway ane Albania.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG