Accessibility links

Breaking News

Vedzimotokari Vochemachema neKukwira kweMutengo weMafuta eDzimotokari


Mutengo wemafuta edhiziri nepeturu wakakwidzwa neZERA neChishanu.

Vamwe vatyairi vedzimotokari vanoti havasi kufara nekukwidzwa kwakaitwa mutengo wemafuta edzimotokari neZimbabwe Energy Regulatory Authority, ZERA, nezuro panguva iyo vakawanda vari kuti hupfumi hwenyika hauna kumira zvakanaka.

Zimbabwe Energy Regulatory Authority, kana kuti ZERA, yakazivisa nezuro manheru kuti mutengo wemafuta edzimotokari wakwira nemasendi manomwe ekuAmerica zvaita kuti rita rimwechete repeturu nedhiziri ritengwe nemari inoita dhora rimwe nemasendi makumi mashanu nerimwechete iri mari yekuAmerica, kana kuti $1.51.

Mumwe anofamba nemotokari, VaHerbert Zungura vati masendi manomwe awedzerwa nawo mutengo wemafuta imari yakawanda zvikuru kana pakatariswa kuti makambani mazhinji haasi kuwedzera vashandi mari dzemihoro.

Muzvare Rhodah Garakasha vatiwo vave kutyira kuti mitengo yezvinhu ichatangawo kukwira zvichaita kuti raramo yeveruzhinji iwome.

Mutungamiri wesangano revezvitoro reConfederation of Zimbabwe Retailers, VaDenford Mutashu, vatiwo kukwira kwemitengo yemafuta uku kwakonzerwawo kekukwira kwemafuta pasi rose.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi uye vachishanda nesangano re Labour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Prosper Chatambara, vati kurwiswa kuri kuitwa Ukraine nemauto eRussia pamwe nekusimuka kwehupfumi hwenyika dzepasi rose ndiko kuri kukonzera kukwira kwemitengo yemafuta.

Hamusi muZimbabwe chete muri kukwidzwa mitengo yemafuta. Mitengo yemafuta iyi iri kukwira munyika dzakawanda pasi rose. Kune mamwe matunhu muAmerica garoni repeturu rinonzi rakwirawo kusvika pamadhora mana nemasendi makumi matanhatu nemanomwe, $4.67, uye mitengo iyi inosiyana zvichienderana nematunhu.

South Africa yakakwidzawo mitengo yemafuta svondo rapera zvakaita kuti gurukota rezvemari munyika iyi, VaEnoch Godongwana vazivise pavakaparura bhajeti renyika yavo kuti zvinhu zvakaita sedoro nefodya zvakange zvokwidzwa mitengo.

Nyaya ina Frank Chikowore
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:43 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG