Accessibility links

Breaking News

Mutevedzeri weMutungamiri weZanu PF, VaMohadi, Vokurudzira Vakanyoresa Kuvhota kuTsholotsho Kuvhotera Zanu PF


Mutevedzeri wemutungamiri weZanu PF, VaKembo Mohadi.
Mutevedzeri wemutungamiri weZanu PF, VaKembo Mohadi.

Mutewedzeri wemutungamiri webato reZanu PF, VaKembo Mohadi vakurudzira vanhu vose vakanyoresa kuvhota vari mudunhu Tsholotsho kuMatabeleand North kuti vavhotere nhengo yebato ravo reZanu PF, VaMusa Ncube, vachiti bato ravo ndiro chete rinokwanisa kuunza budiriro mudunhu iri.

Vachitaura pamusangano wekutsvagira rutsigiro nhengo dzebato ravo pamberi pesarudzo dzema by-election dziri kuitwa mwedzi uno waitirwa panzvimbo yemabhizimusi yeChefunye Business Centre, VaMohadi vakurudzira vechidiki vedunhu iri kuti vasaende kunotsvavaga mabasa kuSouth Africa, vachiti bato ravo riri kushanda zvakasimba kuendesa hupfumi kune vechidiki.

Vati hurumende ichapa vechidiki vedunhu iri marezinesi ekuvhima pamwe nekuredza, uye kupa chimwe chikamu mubandiko rezvekushanyirwa kwenyika kune vechidiki.

Zanu PF ine vanhu vana vachakwikwidza musarudzo dzevamiriri veparamende mudunhu reMatabeleland North.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG