Accessibility links

Breaking News

PTUZ Inosvitsa Gwaro reNyunyuto kuParamende Richida Kuti Hurumende Imire Kushungurudza Varairidzi


Mutungamiri wePTUZ, Doctor Takavafira Zhou pamwe nemunyori VaRaymond Majongwe
Mutungamiri wePTUZ, Doctor Takavafira Zhou pamwe nemunyori VaRaymond Majongwe

Rimwe sangano rinomirira varairidzi reProgressive Teachers Union of Zimbabwe (PTUZ) nhasi raendesa gwaro renyunyuto kumutauriri weparamende, VaJacob Mudenda, richida kuti vamise hurumende kushungurudza varairidzi nekuvamisa basa vasina mihoro kwairi kuita senzira yekuvaranga nekutadza kuenda kwavo kubasa kwavaiita vachiti mihoro yavo haivakwanire.

PTUZ yange yakaronga kufora kuenda negwaro renyunyuto kuparamende asi izvi zvakarambwa nemapurisa izvo zvazoita kuti vazotuma nhume negwaro iri masikati.

Vachitaura neStudio 7 mushure mekuendesa gwaro iri, munyori muPTUZ, VaRaymond Majongwe, vati vanoda kuti paramende ivandudze mutemo wePublic Service Act kuti uenderane nebumbiro remutemo wenyika. Vati kana izvi zvikaitika kodzero dzavo dzinenge dzave kuremekedzwa.

Vatiwo chimwe chvanoda kuti paramende iite, kumisa kushunguruudzwa kwavanoti kuri kuitwa varairidzi nevavakuru vezvikoro avo vati vari kumiswa mabasa kunyange hazvo vakadzokera kubasa.

Vanoti zvave kuitwa nehurumende zvave kutokanganisa dzidzo muzvikoro sezvo varairidzi nevakuru vezvikoro vave kutya kudzingwa mabasa.

Izvi zvatsigirwawo nemutauriri weZimbabwe National Union of Schools Heads VaMunyradzi Majoni avo vati kunyange hazvo vakatora danho rekuti vadzokere kubasa musi wa22 mwedzi wapfuura, bazi redzidzo yepasi riri kuramba richimisa varairidzi nevakuru vezvikoro basa vasina mihoro.

Vati kusvika svondo rino pane vakuru vezvikoro makumi mashanu vakamisswa basa.

Vati vanotsigira danho ratorwa nePTUZ vachiti nhengo dzeparamende dzinofanira kugadzirisa nyaya iyi nekukasika sezvo dambudziko iri riri munharaunda dzadzinomirira.

Vanoona nezvekufambiswa kwebasa musangano rinomirira makomiti ebudiriro muzvikoro kana kuti School Development Associations and Committees, VaBanny Manokore, vaudza Studio 7 kuti vanofara kuti zvinhu zvave kugadzikana muzvikoro.

Mutauriri mubazi redzidzdzo yepasi, VaTaungana Ndoro, vaudza Studio 7 kuti varairidzi havafaniri kutya vachiti bazi ravo riri kutarisisa zvikonzero zvakaita kuti varairidzi vatadze kuenda kubasa kubva pakavhurwa zvikoro musi wa7 mwedzi wapera.

Asi mutungamiriri weAmalgamateed Rural Teachers Union of Zimbabwe, VaObert Masaraure, vaudza Studio 7 kuti hapana ongororo inofanira kuitwa nekuti hurumende inozviziva kuti varairidzi vanotambira mari dzisingakwane kuti vaende kubasa.

Varairidzi vange vasiri kuenda kubasa kubvira pavhurwa zvikoro uye vazhinji vavo vakadzokera kubasa musi wa22 Kurume mushure mekunge hurumende yavimbisa kugudzirisa zvichemo zvavo pamwe nekuvawedzera mihoro yavo neyevamwe vashandi vehurumende.

Varairidzi vanoti vanoda kupihwa mazana mashanu nemakumi mana emadhora ekuAmerica kuti vakwanise kuenda kubasa nekurarama zvakanaka.

Nyaya ina Godwin Mangudya
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG